‘Shandisai ruzivo kusimudzira kurima’

Muchaneta Chimuka —
VADZIDZI vanenge vapedza zvidzidzo zvekurima kumakoreji akasiyana munyika vokurudzirwa kuti vashandise ruzivo rwavo mukusimudzira mabasa ekurima.

Kurudziro iyi yakapihwa naVaIvan Craig, vanove mukuru anoona nezvekutengesa (director sales and marketing) kukambani inouchika mbeu yeAgriSeeds, svondo rapera apo vaive muenzi anoremekedzwa paChibhero College of Agriculture pakupedza kwevadzidzi 64 zvidzidzo zvekurima.

“Tinokurudzira varimi, zvikuru avo vachangopedza zvidzidzo zvavo kuti vashandise nzira yekurima yemasutso (conservation farming) kuti vawane goho guru. Hurumende ine shungu dzekuti nyika inge ichizviwanira kudya kwayo kwakakwana kunorimwa muno pane kuti tinge tichiwanikwa tichitenga kubva kune dzimwe nyika. Tinoda kuti tive nekudya kunovaka muviri uye tichivandudza chikafu chedu nekugadzira zvimwe zvinhu zvinoita kuti tiwane mari yekunze,” vanodaro.

Vanoti vanenge vapedza zvidzidzo zvekurima havafaniri kumirira kutsvaga mabasa asi kuti vazvishandire voga.

Zvakadai, vachitaurawo pachiitiko ichi, University of Zimbabwe Vice-Chancellor Professor Levi Nyagura, mumashoko avo avakaverengerwa naProf Charles Mutisi, vanove Dean of the Agriculture Department paUZ, vanopembedza Hurumende mukubatsira kwayakaita pakutenga midziyo inoshandiswa murabhoritari yepakoreji iyi.

“Tinofara zvikuru kuti vadzidzi vepakoreji ino vakapasa nechikamu che90 percent uye kuti Chibhero yakatora mukombe mukugona kuchengeta mombe dzenyama kuHarare Agricultural Show,” vanodaro.

Mukuru weChibhero College of Agriculture, VaPhilip Tichafa Mushayi, vanoti kusvika parizvino vadzidzi 1 930 vakawaniswa zvitupa zvekurima pakoreji yavo kubvira payakavambwa muna 1961.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *