Shasha dzetsiva dzorangarirwa

Abel Ndooka
SHASHA dzakambonetsa mumutambo wetsiva kare dzinoti Arigoma ‘Mayero’ Chiponda, Alfonso ‘Mosquito’ Zvenyika, Langton ‘Schoolboy’ Tinago naProud ‘Kilimanjaro’ Chinembiri vacharangarirwa pamutambo weZimbabwe Bees Manyuchi Boxing Championship svondo rino nemusi weMugovera kuCity Sports Centre, muHarare.

Mutambo uyu, uyo uri kurongwa naCharles Manyuchi akabatana nemasangano akasiyana, uchaona vatambi vetsiva 40 vachibandana.
Donzvo remakwishu aya nderekusimudzira vatambi vechidiki.

Achitaura svondo radarika pakaparurwa mutambo uyu, shasha yeWorld Boxing Council Welterweight Champion, Manyuchi akati ari kushanda zvakasimba kuti asimudzire mutambo wetsiva.

Anoti mutambo weZim Bees Manyuchi Boxing Championship uyu uchange uchitambwa gore rega-rega. “Yasvika nguva yekuti tishande nesimba tisimudzire mutambo wedu wetsiva uyu wange wave kuwira pasi. “Ndichashanda nesimba kuti ndidzorera kwandakabva uye ndisimudzire vanhu vakandisimudzirawo.

“Mutambo weZim Bees Manyuchi Boxing Championship ndewekubatsira vatambi vetsiva vari kusimukira uye tichirangarirawo shasha dzakanetsa kare mumutambo uyu,” akadaro Manyuchi.

Zvakadaro, Manyuchi haana kubuda pachena kuti kunze kwemutambo uyu shasha dzakamboita mukurumbira dzicharangarirwa nei.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *