ZVIKWATA zvenhabvu zvakakurudzirwa kuti zvipe vatambi vanogona vane tarenda mukana wekutamba mutambo uyu pane kuita rusarura.
Mashoko aya akataurwa neshasha yakambonetsa muPremier Soccer League, Edgar Zhuwawu uyo akatambira zvinoti Blackpool, Chapungu, CAPS United uye neArcadia.
Zhuwawu anoti vatambi vazhinji vane zvipo vari kunyimwa mukana wekurakidza matarenda avo nekuda kwemakakatanwa anenge aripo pakati pevarairidzi vezvikwata nevaridzi vazvo ekuti vanofanira kutamba ndevapi.
Zvakadaro, sachigaro wesangano rinomiririra varairidzi vemutambo wenhabvu reCoaches Association of Zimbabwe, Moses ‘Bambo’ Chunga uyo airairidza Chiredzi FC gore radarika, anoti haakwanise kutaura zvakawanda pamusoro pemashoko aZhuwawu nekuti munhu wese ane kodzero dzekupa mafungiro ake pamusoro pemutambo uyu.
“Mafungiro ake nemaonero ake iyeye Zhuwawu ini handikwanise kutaura chinhu panyaya iyi.
“Ini ndine maonero angu andinoita nhabvu uye iye ane maonero ake saka handikwanise kutaura zvakanyanya pamusoro pazvo,” akadaro Bambo.
Zhuwawu anoti rusarura rwevatambi rwuri kutangira kuzvikwata zvevechidiki kumaAcademy.
Vatambi vechidiki vanobva kumhuri dzakakwirira, anodaro, kazhinji ndivo vanopihwa mukana wakakura kudarika avo vanobva kumhuri dzakaderera.
“Chandinoona chiri kuuraya nhabvu yedu parizvino inyaya yerusarura rwuri kuitwa muzvikwata zvemuno.
“Vatambi vanogona vane tarenda varipo asi havasi kuwaniswa mukana wavo wekutamba nekuti dzimwe dzenguva murairidzi anenge ane vatambi vake avo vaanenge achida kutambisa uye munhandare chaimo kana vamwe vatambi vasingakude haupirwe bhora,” akadaro.
Zhuwawu, uyo vazhinji vaimuziva nemazita emadunhurirwa akawanda akaita saMebo, Katsvere kana kuti Dhobha, akaberekwa mugore ra1974 kuChinhoyi ndokuzokurira kuGlen Norah muHarare.
Mhuri yake yaitamba nhabvu zvichitangira kuna baba vake, Zahwe Zhuwawu, avo vakatambira zvikwata zvakaita seSinoia Tigers neMetal Box. Panguva iyi, baba vake, vaitamba nevatambi vakaita saOliver Kateya, Edward Katsvere naSimona Mugabe.
Mukoma waEdgar mushakabvu Norman Zhuwawu aitambirawo zvikwata zvevechidiki zveCAPS United apo akazoshaika ave nemakore 17 okuberekwa.
Vanin’ina vake, Timothy naSimbarashe, vakatambira zvakare zvikwata zvakasiyana zvemuDivision 2 ne3.
“Zvenhabvu zvaive mumhuri medu, zvakatangira kubva kuna baba vangu – Zahwe – kozoti mukoma wangu saka zvakakura zviri mandiri ndosaka zvakandiitira nyore kuti nditambe mutambo uyu.
“Mukoma wangu haana kuzokwanisa kuenda kure nenhabvu sezvo akazoshaika achiri mudiki,” akadaro Zhuwawu.
Paakatanga kutamba nhabvu, Zhuwawu anoti aive mubati wepagedhi kusvika mugore ra1986 apo akazotanga kutamba mukati.
“Ndichitanga ndaive mubati wepagedhi uye ndipo pandaida kutambira asi ndakazochinjwa nevarairidzi vangu kuti nditambe mukati,” akadaro.
Panguva iyi aidzidza paGlen Norah 1 apo aitambira maUnder 14 eCAPS United. Asi mugore ra1989 akazobva ndokutanga kutambira maUnder 16 eDynamos uko kwaakarairidzwa naEdward Katsvere.
Kuenda kwaakaita kuDynamos hakuna kufadza murairidzi wechikwata chaaitambira kuchikoro uyo aive mutsigiri weKepe-kepe akasimba zvakaita kuti abve atanga kumugarisa pabhenji.
“Kubva kwandakaita kuKepe-kepe ndichienda kuDeMbare kwakambondiparira nekuti murairidzi wangu wekuchikoro akange ave kusada kumbondiona kana kunditambisa chaiko. Ainditi enda unotambira kuDeMbare kwako ikoko.
“Asi yakazosvika nguva yekuti vatsigiri vepachikoro chedu vakange vave kuziva kamuitiro kake vakatanga kumumupotera vachimuudza kuti anditambise sezvo vaida kundiona ndichitamba ndokudzoka kwandakazoita muchikwata ichi,” akadaro.
Zhuwawu akapedza chikoro mugore ra1991 apo paakabva akatanga kushanda kuAlminium Metal uko kwaakazotambira chikwata chekambani iyi pamwe chete naDumisani Mpofu.
“Dumi ndisahwira wangu takakura tese uye pakataenda kuAlmnium Metal takaenda tese,” akadaro.
Vari kuAlmnium, Zhuwawu aive muchikwata icho chakabudirira kutamba muZifa Cup vachibva kuDivision 3 apo pavakazorakashwa neBlack Rhinos 5-2.
Zvakadaro, mugore ra1995 nyenyedzi yakazopenya muhupenyu hwaZhuwawu apo paakatengwa neBlackpool iyo yaive muPremier League.
Zvisinei, haana kugara nguva refu ariko sezvo varairidzi vake panguva iyi – Friday Phiri naJoel Shambo – vaive nemakakatanwa pamusoro pake.
“Phiri ndiye akandiunza kuBlackpool nekuti aiyemura tarenda rangu asi Shambo aisada kunditambisa nekuti aive nevatambi vake vaaida.
“Ndakazonzi ndiende kunotambira Sporting Lions nechikwereti asi handina kubvuma zvinove zvakazondituma kuti ndiende kuChapungu,” akadaro Zhuwawu.
Mugore ra1997 apo akaenda kuChapungu United, anoti hupenyu hwainge hwakamuomera sezvo vatambi vakuru vaiveko vaisamufarira.
“Tairwira kuti tisaburitswe muligi panguva yedu tiri kuChapungu uye pakasvika mutambo wedu neCAPS United, vatambi vakuru vakaramba kunotamba kuHarare nekuti vaitya kunorohwa dzakawanda ini ndipo pandakabva ndatora mukana wangu.
“Ndakapinda mumutambo uyu morari yangu yakakwira, ndikanwisa bhora rakatihwinisa uye kubva pazuva iri ndakange ndave kugara ndiri muchikwata ichi,” akadaro Zhuwawu.
Anoti akazobva kuChapungu apo payakabatana neBlue Swallows ndokuubva asainwa neCAPS United mugore ra1999 aine makore 25 okuberekwa.
Zvisinei, akakwanisa kutamba kwemwaka mumwe chete ari kuchikwata ichi sezvo akabva akuvara izvo zvakazoita kuti afunge zvekusendeka nhabvu parutivi.
“Kukuvara kwandakaita kwakandikanganisa zvikuru ndingadai ndakasvika kure nemutambo uyu nekuti ndakange ndave kusvika padanho repamusoro asi zvakazoendawo nepamwe,” akadaro Zhuwawu.
Kunyangwe akuvara kudaro, Zhuwawu akambozama kushingirira kutamba nhabvu ndokubva atengwa neDouglas Warriors apo yaive kuDivision 2 akachovha nayo kusvika yapinda muPSL.
Douglas Warriors haana kuzoitambira payaive muligi nekuti akabva ndokuenda kuArcadia.
Anoti hupenyu kuchikwata ichi hwaive hwakaoma izvo zvakazomutuma kusiyana nezvenhabvu zvachose.
“Ndakazosvika pakusiya nhabvu panguva iyi, zvinhu zvakange zvaoma nhabvu isisachabhadhare.
“Kukuvara kwandakaita kuKepe-kepe ndiko kwakandikanganisira zvakawanda.
“Zvikwata zvakange zvave kusabhadhara saka ndakaona kuti zviri nani nditsvagewo zvimwe zvekuita ndikwanise kurarama hupenyu huri nani,” akadaro.
Parizvino Zhuwawu ari kugara kuSouth Africa uko ari kushanda pamwe nekurairiridza vatambi vechidiki mumutambo uyu.
Anoti panguva yaakatamba nhabvu vatambi vazhinji vaitoshanda mamwe mabasa kunze kwenhabvu uko vaiwana raramo yavo.
“Nguva yedu hupenyu hwemutambi hwenhabvu hwairwadza zvekuti taitoshanda mamwe mabasa ekunze kuti raramo yedu ive inoendeka zvikuru.
“Zvikwata zvedu zviripo parizvino ngazvimhanye-mhanye kutsvaga vakotsveri kuti hupenyu hwevatambi vedu hunge hwakajeka,” akadaro Zhuwawu.



