SHONA YAKAPASWA . . . Vasikana vakakunda vakomana – Zimsec

KANZURU yeZimbabwe School Examinations Council inoti gore rino vasikana vakapasa nechikamu che5% kudarika vakomana uye chidzidzo cheShona chakapaswa pabvunzo dzeZimsec dzeGrade 7.

Mukuru weZimsec, VaEsau Nhandara, vanoti: “Ongororo yakaitwa inoratidza kuti vanasikana vakanyora zvidzidzo zvina vakapasa zvakanyanya kupinda vanakomana. Kupasa kwevanasikana uku kune chikamu che45,29% kana tichienzanisa nevanakomana avo vakaita 40,43%.”

VaNhandara vanoti huwandu hwevana vakanyora bvunzo dzeGrade 7 gore rino hwakawedzera kudarika gore rapera.

“Huwandu hwevadzidzi vakanyora bvunzo dzeGrade 7 mumwedzi waMbudzi 2016 hwaive 329 549 kana zvichienzaniswa neavo vakanyora muna 2015 vaive 329 217. Huwandu uhwu hwakawedzera nechikamu che0,1%,” vanodaro.

Gore rino, huwandu hwevana vakapasa munyika yose chikamu che42,90% kureva kuti hwakawedzera ne1,29% kana zvichienzaniswa ne41,61% yegore rapera.

VaNhandara vanoti vana vakawanda vakabudirira pabvunzo dzemitauro yemuno inosanganisira Shona iyo yakapaswa ne269 339.

Gore rino, kunyorwa kwebvunzo kwakange kuchitariswawo vadzidzi vakaremara mitezo yakasiyana.

VaNhandara vanoti vanofara zvikuru kuti munhoroondo yedzidzo, gore rino pakaonekwa zvakaburwa nevana vakaremara pabvunzo dzeGrade 7.

“Vakaremara mitezo ava takavaisa mumapoka matatu anoti vanoshandisa Braille, vanoshandisa zvinyorwa zvakakurisa (enlarged print) nevasinganzwi.

“Vana vanoshandisa Braille vakapasa nechikamu che80% apo vanoshandisa zvinyorwa zvakakura vari pa67, 80% kuchizoti vasinganzwi vakapasa nechikamu che31,76%,” vanodaro.

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×