Shoroma yatsikwa nemotokari yayo ndokufa

Lovemore Kadzura

IMWE mhuri yekwaRusape yakasara isisina muriritiri mushure mekunge baba vacho, Morris Majiri, atsikwa nemotokari yake ndokufa pamba pake murukisheni rweCrocodile.

Majiri ndiye muridzi weStaunch Hardware iri kwaRusape uye akanga ari kutyaira motokari yake yerudzi rweNissan Caravan apo yakanyura mugomba padyo nemba yake saka paakadzika kuti aite ongororo, akamira pamberi payo ichibva yangotanga kufamba yoga ndokumutsika.

Motokari iyi yakamumbandikidzira pakati pebhamba (bumper) nechivakwa chemita (meter) yemvura achibva atyoka gumbo.

Nyanzvi dzezvekutyaira dzinogara dzichiyambira vatyairi kuti vanofanira kuisa handbrake apo vanopaka motokari, zvikuru sei panzvimbo yakatenuka kuitira kudzivirira tsaona dzerudzi urwu.

Muroja waMajiri anonzi Isaac Kudzanai ndiye akazomhanya kunomubatsira mushure mekunzwa vanhu vaainge atakura mumotokari iyi vachiridza mhere achibva adzora mota iyi kumashure.

Majiri akaendeswa kuRusape General Hospital uko akanorapwa akadzokera kumba asi akaramba achirwara mushure memazuva mashanu sezvo ropa rakagwambira mukati achibva ashaya ari kumba asati adzoserwa kuchipatara.

Akavigwa nomusi weMuvhuro svondo rino kuSilverbow Cementry kwaRusape.

Ongororo yakaitwa nemachiremba inoratidza kuti Majiri akakuvara itsvo nemapapu.

Mutauriri wemapurisa munyika Commissioner Paul Nyathi havana kukwanisa kutaura nezvenyaya sezvo pavakaridzirwa nhare vakati vaive vasiri muhofisi yavo kuitira kuti vakwanise kuironda mafambiro ayo.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *