Simba Bhora ingatevere matsimba eDeMbare here kuCAF?

Abel Ndooka

SHASHA yeCastle Lager Premier Soccer League (PSL), Simba Bhora, yakaisa rimwe gumbo rayo muConfederation of African Football (CAF) Champions League second preliminary round zvichitevera kukunda kwayakaita chikwata cheNsingizini Hotspurs chekuEswatini 1-0 svondo radarika.

Zvikwata zviviri izvi zviri kusangana zvakare svondo rino mumutambo wechipiri wesecond leg, mufirst preliminary round, uyo uchaitirwa kuSomhlolo Stadium, kuEswatini, pamusha peNsingizini Hotspurs.

Svondo radarika, Simba Bhora neNsingizini Hotspurs zvakasangana kunhandare yeObed Itani Chilume, kuBotswana, iyo yaishandiswa semusha weSimba Bhora sezvo pari zvino muZimbabwe musina nhandare iri padanho rinotarisirwa neCAF neFIFA kuti itambirwe mitambo yepamusoro.

Svondo rino, Simba Bhora kana kuti Go Buju Go iri kufanirwa kutosunga dzisimbe pairi kuenda kuEswatini kuti igotora zvibodzwa zvose.

Kuhwinha kwayo kuchaibatsira kuti ifambire mberi mumutambo uyu kuenda kuchikamu chesecond preliminary round, uko ichazosangana nechikwata chichahwinha pamutambo weSimba Sports Club yekuTanzania neGaborone United yekuBotswana.

Simba SC iri kupinda mumutambo uyu yakatungamira 1-0 zvichitevera kukunda kwayakaita Gaborone United svondo radarika uye ndiyo ichange iri pamusha pazvichasangana.

Go Buju Go iri kutarisira kutevera mumatsimba ezvikwata zvinoti Dynamos FC neFC Platinum, izvo zvakambobudirira kuenda kunokwikwidza kumapoka emutambo uyu mushure mokunge zvakunda mumitambo yazvo yepreliminary round.

Asi kuti chikwata chaJoel Luphahla chigokwanisa kusvika kumapoka emutambo uyu, chiri kufanirwa kutanga chakunda cheNsingizini Hotspurs svondo rino uye chozokunda chikwata chichahwinha pamutambo weSimba SC neGaborone United.

 

 

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *