Simba Bhora, Scottland dhuma-dhuma

Abel Ndooka

NZIRA dzose dzichange dzichinanga kuWadzanayi Stadium kuShamva nomusi weMugovera svondo rino apo shasha yeCastle Lager Premier Soccer League (PSL), Simba Bhora, ichange ichitatsurana neScottland FC mumutambo unotarisirwa kudakadza.

Mutambo uyu ndiwo mukuru uriko svondo rino paMatchday 28 uye vatsigiri venhabvu vazhinji vari kuti chikwata chichahwinha ndicho chinogona kugara charovera hoko, choramba chiri pamusoro pelogo kusvika panozopera mwaka wegore rino.

Simba Bhora iri kupinda mumutambo uyu iriyo iri kutungamira palogo rePSL iine zvibodzwa 54, Scottland ichifemera mugotsi yakagara pechipiri iine zvibodzwa 52.

Saka mutambo wesvondo rino wakakosha zvikuru kuzvikwata zvose zviri zviviri, izvo zvinorairidzwa naJoel Luphahla (Simba Bhora) naTonderai “Stanza” Ndiraya (Scottland).

Tonderayi Ndiraya

Pakambosangana zvikwata zviviri izvi pakutanga kwemwaka uno, chikwata chaStanza chakahwinha 2-0 kuRufaro Stadium, muHarare, nokudaro mutambo wesvondo rino wakakosha zvikuru kuna Dubai (Luphahla) nevakomana vake.

Mumutambo wakapedzisira kutambwa nechikwata chaDubai, mitambo yePSL isati yamiswa nokuda kwemitambo yaitambwa nechikwata chenyika, Go Buju Go yakaita mangange 0-0 neGreenFuel, Scottland ikazvambaradzwa 3-2 neDeMbare mumutambo wakafadza vatsigiri venhabvu vakawanda.

Mune mimwe mitambo iriko svondo rino, Dynamos FC ichange iri pamusha payo kuRufaro nomusi weSvondo apo ichasangana neTriangle United.

Kuuya kwakaita Kelvin Kaindu kuDeMbare kwakamutsidzira chikwata ichi, icho chakahwinha mitambo yacho mina yokupedzisira yakatevedzana, izvo zvabva zvapa tariro kuvatsigiri veDynamos kuti inogona kupona, yoramba iri muPSL mwaka unotevera.

Tariro yeDeMbare yokuramba iri muPSL iri pakuramba ichihwinha mitambo yayo yose iri kutevera. Svondo rino yakatarisana nehondo huru apo ichasangana nechikwata chaGenesis “Kaka” Mangombe, uyo akamborairidza Dynamos gore radarika.

Kaka, kubva zvaakagadzwa kuti arairidze Triangle United kutanga kwemwaka uno, achitsiva Luke “Vahombe” Masomere, akasvika nekumutsa chikwata ichi, icho pari zvino chakagara pechi10 palogo rePSL.

Yaimbove shasha yePSL, FC Platinum, ichange iri pamusha payo kuMandava Stadium musi weMugovera apo ichisangana neHighlanders FC.

Nerimwe divi, MWOS FC iri kunanga kuAscot Stadium kunobandana neTelOne.

Zvikwata zviviri izvi mwaka uno zviri kutamba nhabvu inonwisa mvura, izvo zviri kuita kuti MWOS iwanikwe yakagara pechina palogo, kuchiti TelOne iri pechishanu.

Related Posts

Hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa dzotsvagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kutsvaga hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa uyo ane mutumbi wakachengetwa kumochari yeko. Mutumbi uyu ndewe murume akatsikwa nemotokari mumugwagwa weHarare-Masvingo pachinhambwe…

Nhengo dzemuviri wemunhu dzawanikwa mudumbu regarwe mushure memazuva 22

Rutendo Nyeve NHENGO dzemuviri wemurume akaurayiwa negarwe padhamu reMpopoma, kuMatobo nemusi wa1 Chivabvu dzakazoonekwa dziri mudumbu rengwena iyi mushure mekunge yavhiiwa kwapera mavhiki anodarika matatu. Izvi zvakaziviswa neveZimbabwe Parks and…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×