Simudzirai jazz: Piyo Matosie

Abel Ndooka —
VAIMBI veJazz vokurudzirwa kubatana mukusimidzura musambo uyu kuburikidza nekuita mashoo uye nekutsikisa mhanzi pamwe chete.

Kurudziro iyo yakaitwa nemuimbi weJazz ari kusimukira, Simbarashe Abel Piyo, achiti musambo uyu uri kusaririra zvikuru kana zvichienzaniswa nemimwe yakadai seSungura neZim-dancehall.

Piyo – uyo anonyanya kuzivikanwa saPiyo Matosie munyaya dzemhanzi – anoti vaimbi veJazz vanotofanirwa kukunya dzisimbe kana vachida kusimudzira musambo uyu.

“Jazz musambo wakanyorovera unodiwa kazhinji nemadhara saka tinenge tange tichisarira kumashure nekuti vechidiki vakawanda havasi kuuyemura zvakanyanya.

“Asi tikabatana sevaimbi totanga kurova mashoo ndinoona tichisvika kure uye tinodzidzisana zvakawanda. Semuenzaniso, tikatarisa mimwe misambo yakadai seSungura, Zim-dancehall uye nechitendero basa ravo riri kufamba sezvo vachigara vachiita mashoo nekutsikisa nziyo dzavo pamwe chete,” anodaro Piyo.

Muimbi uyu, uyo anotsigirwa nechikwata cheThe Eagles Band, achangobva kubura dambarefu rake rekutanga rinonzi Singles Collection iro anoti ane tarisiro yekuti richasimbisa zita rake.

Achitanga kuimba, Piyo aikwenya musambo weZim-dancehall ndokuzosiya ave kuridza Jazz.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×