Sisi vekukecha mwana mubhawa vari kutongwa

Muchaneta Chimuka
NYAYA yemukadzi uya wekumiswa pamberi pedare reChitungwiza Magistrates’ Courts svondo rapera pamberi akatarisana nemhosva yekushinha nekamwana kane makore 12 okuberekwa ndokukatapurira utachiona hweHIV apo “vakakechana” murimwe bhawa reko ichiri kuenderera mberi nekutongwa. Mwana uyu, uyo ari kuita Grade 7 pane chimwe chikoro kuChitungwiza, nguva yadarika takangomuti James sezvo achiri mudiki.

Mutongi wedare iri, Takunda Mutetwa, neMuvhuro svondo rino akati musungwa Angeline Mawumidza (32) adzoke zvakare kudare nguva inotevera apo kutongwa kwenyaya iyi kuri kuenderera mberi. Mawumidza ari kubvuma mhosva yake.

Mawumidza ari kutongwa nemhosva yekupinda pabonde nemwana pasi pemutemo weSection 70 of the Criminal Law Codification and Reform Act Chapter 9:23 uye ari kunzi akatapurira mwana uyu HIV zvichibva paongororo yakaitwa nemachiremba.

Muchuchisi Norman Koropi akaudza dare kuti nomusi wa30 Chikumi gore rino, James aiva pabhawa riri paChikwanha, kwakare kuChitungwiza. Anonzi akaona Mawumidza uyo akange ari kuzvitambira hake mhanzi achibva amukumbira kuti vaende kunosasana mumachira.

Vaviri ava vanonzi vakanoita mabasa echikuru pane imwe nzvimbo yakahwanda (brothel) iri nechekuseri kwebhawa. Mawumidza anonzi akabhadharwa nemwana uyu US$4 pane zvavakaita.

Zvisinei, gure rakazobuda pachena apo vakabatikidzwa naConstable Dickson Mutonho naConstable Machisa vari mushishi panzvimbo iyi ndokubva vasungwa. Magwaro ekwachiremba akavheneka mwana uyu akaburitswa mudare seumboo.

“Pekutanga, ndakashandisa dziviriro yekondomu uye ndikazoita ndisina ndichibva ndamubhadhara US$4,” anodaro mwana uyu mumagwaro ake ekumapurisa ayo aakasaina pamberi pemubereki wake.

Vachipa umboo mudare iri, Const Mutonho vanoti vakange vari pabasa vachimema nzvimbo dzinosanganisira Zengeza 4 neChikwanha pamwe naConst Machisa kuma0015hrs. Vanoti ndipo pavakabatikidza vaviri ava.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×