Murume okumbira gupuro kumukadzi

Tafadzwa Mutsotso
MURUME wekuoneswa ndondo achipisirwa hembe nekuputsirwa mahwindo emba nemudzimai wake akazokwidza nyaya iyi kudare redzimhosva achida kuti apihwe gupuro negwaro rerunyararo. Robson Chapurungana akaudza mutongi wedare reHarare Civil Court, Trevor Nyatsanza, kuti ashaiswa rugare nemudzimai wake, Patience Musodzi.

“Ndakagara naPatience semudzimai wangu kwemakore masere tikazoparadzana gore rakapera kwete nekuti ndini ndakanga ndamuramba asi iye ndiye akangoenda kuvabereki vake.

‘‘Zvino ava kupota achiuya kumba kwangu achindituka nekuputsa mahwindo epamba pandiri kugara nekupisa hembe dzangu,” akadaro Chapurungana.

“Ndaona kuti ndizvo zvaitika, ndakabva ndangotanga kugara nemumwe mukadzi wandisati ndaenda kunobvisira pfuma. Ava kuramba achingondinetsa zvisinei nekuti ndakabvuma kunditiza kwaakaita achiti hatina kurambana nekuti hapana gupuro.

“Iye ndiye anofanira kundipa gupuro osiyana neupenyu hwangu nekuti ndiye akatiza kumba.

“Ndine chikumbiro chekuti ndipihwe gwaro rinondidzivirira mukushungurudzwa nemukadzi uyu. Ndinoda kuti asasvike kumba achindituka asi kuti tigadzirise zviri kunetsa murunyararo,” akadaro Chapurungana. Musodzi akabvuma mhosva yaaipomerwa yekushungurudza Chapurungana.

“Ndinobvuma kuti ndakaputsa mahwindo emba yedu nekuti chinondituma ihasha. Murume uyu akandiroorera mumwe mukadzi. Handina gupuro randinomupa nekuti ndakangoenda kumusha ndikadzoka atove nemumwe mukadzi anova ndiye waari kugarisana naye,” akadaro Musodzi.

“Kumba ndinosvika kwete kuti ndinenge ndichifambira kumutuka kana kukanganisa kugara kwake. Ndinenge ndichiendawo kumba kwangu nekuti baba ava handina kumbovaramba kana ivo havana kundipa gupuro.”

Mutongi Nyatsanza akapa Chapurungana gwaro redziviriro.

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *