Siyai vana nemafoni avo: Dokora

VAKURU vezvikoro vanofanira kufambirana neruzivo rwechizvino-zvino nekuti rwunoita kuti kufambiswa kwemashoko kuve nyore, gurukota rezvedzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Lazarus Dokora vanodaro.

Vachitaura muHarare svondo rapera pamusangano wekutsvaga mazano ekuvandudza fundo munyika pasi pechirongwa cheCurriculum Review, Dr Dokora vakati zvinoshamisa kuti vamwe vakuru vezvikoro vachiri kutorera vadzidzi nharembozha dzavo vachidziviga zvisinei nekuti dziri kubatsira vana mudzidzo yavo.

“Kune vakuru vezvikoro vari kutorera vadzidzi nharembozha dzavo asi nekuda kwekuti dzave kutengwa nemari iri pasi, tiri kuona vana vachinotenga dzimwe zvekare. Kunyangwe makombiyuta ave kuwanikwa mudzimba dzakawanda nekuti ave nemitengo yakaderera. Saka ndinoti vakuru vezvikoro vanofanira kufambirana neruzivo rwechizvino-zvino. Ngatizvikurudzirei muzvikoro,” vakadaro.

Vakati ruzivo rwechizvino-zvino rwuri kuita kuti dzidzo ive pamusoro uye zvichifadza.

Dr Dokora vakati zvakakoshawo kuti dzidzo ifambirane nezvinodiwa mukusimudzira upfumi hwenyika.

“Tiri kutarisira kuti kuve neshanduko inosimudzira mabhizimisi nekuwanisa vanhu mabasa. Zvichibatsira zvekare vadzidzi kuti vange vachiita zvidzidzo zvemabasa emawoko izvo zvinozovayamura muupenyu,” vakadaro. – H-Metro.

 

Related Posts

Mahwekwe nebindu rembanje mapurisa achifeya nyaya yokuba

MAPURISA ekuChipinge akasunga mumwe murume svondo rapera mushure mekuona bindu raive rakadyarwa mbanje apo vaiferefeta nyaya yekubiwa kwepombi dzemadiridziro pane rimwe purazi reko, iyo yakanga isina chokuita nembanje dzakazowanikwa idzi.…

Motokari ine chitunha yabatira moto

Arron Nyamayaro VAMWE vanhu vaive parwendo rwekunoviga hama yavo kumusha vakamhanyidzana kubvisa bhokisi raive nechitunha mumotokari inotakura vafi zvichitevera kubatira kwayakaita moto kuArdbennie, muHarare nemusi weMuvhuro svondo rino. Vakaona izvi…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×