‘Siyanai nekutenga mishonga yemukoto’

Kingstone Mapupu
BAZI rinoona nezvekurapwa kwezvipfuyo munyika reDepartment of Livestock and Veterinary Services rinoyambira varimi kuti vasiyane netsika yekutenga mishonga yekudzivirira kana kurapa zvirwere zvakasiyana zvinobata zvipfuyo pamusika wemukoto sezvo mizhinji yacho iri yemanyepo isina zvainobatsira.

Mashoko aya akataurwa naDr Reverend Spargo (33) avo vanove chiremba anoona nezvekudzivirirwa kwezvirwere zvezvipfuyo kuchikamu cheEpidemiology and Diseases Control vachiti mishonga yezvipfuyo haitengeswe mumigwagwa asi muzvitoro zvakanyoreswa zvinozivikanwa.

“Isu senyanzvi munyaya dzezvirwere zvezvipfuyo tinoyambira varimi kuti vasatenge mishonga yezvipfuyo kuvanhu vanofamba mumigwagwa vakazvimirira sezvo paine hutsotsi hwakawanda huri kuitwa nemakoronyera kuburikidza nematambudziko ezvirwere zviri kubata zvipfuyo. Saizvozvi, mombe dziri kufa uye kune zvakawanda zviri kufamba zvichitaurwa nevanhu vachiti vanobaya mombe majekiseni echirwere chiri kuuraya mombe ichi,” vanodaro.

Vanoti chirwere chiri kuuraya mombe zvakanyanya munyika muno chinodaidzwa kunzi Theileirosis kana kuti January disease sezvo chinonyanyobata mombe munaNdira apo panenge paine zvikwekwe zvakawanda kuburikidza nekunaya kwemvura mumwedzi uyu zvinoita kuti zvikwekwe zviwandewo.

“Sezvo varimi vapererwa nekuda kwechirwere ichi, kune matsotsi ari kufamba kumaruwa, kumapurazi nemumaguta vachitaurira vanhu kuti vanokwanisa kurapa chirwere ichi. Asi isu tinoti musanyeperwe endai kunyanzvi dzedu dzeveterinary services nekuti munobirwa mari yenyu nevanhu ava,” vanodaro Dr Spargo. Vanoti kubva munaNdira gore rino kusvika Chikumi, mombe dzakafa nekuda kwechirwere ichi munyika yose dzinosvika 5 064.

“Mishonga chaiyo inorapa chirwere ichi iriko iyo ndisingagone kudoma nemazita nekuda kwemitemo yebasa. Asi tinoti varimi ngavaende kunanamazvikokota vedu kana kuzvitoro zvinotengesa mishonga vatengeserwe mishonga chaiyo kwete yemikofera kana kuti yemanyepo inogadzirwa nevanhu mudzimba dzavo,” vanodaro.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *