‘Chikomba chaamai ndicho problem’

Milcah Nhakura
NYAYA yekurwira pfuma yenhaka pakati pevana vemhuri imwe yakazosvika kumatare edzimhosva apo mumwe wavo uyo anova dangwe ari kupomerwa kurova amai vake nevamwe vana — kusanganisira anorwara nepfungwa — achiti vose vanofanira kubva pamba apa.

Owen Tatyoka akamhan’arira mukoma wake Brian Tatyoka kuHarare Civil Court achiti ari kuvashungurudza nekuda kwemba yavakasiirwa nababa vavo avo vakashaika.

“Mukoma vari kudzinga vanhu pamba. Vari kutidzinga tose nanasisi nevana vavo zvose naamai vedu nyakutiriritira.

“Ngavamiswe kutidzinga uye kutirova nekurova amai nekuti hatichina rugare nekuvatya mukoma.

“Ngavamiswe kuuya kumba nekuti vari kubata munhu wose nekuseri kweruoko, kunyanya vamwe mukoma vangu vanorwara nepfungwa — izvezvi vatove nemazuva vasingadye,” anodaro.

Brian anopikisana nezviri kutaurwa nemunin’ina wake achiti ari kufurirwa naamai vavo nechikomba chavo.

“Zvandichataura pamberi pedare zvichaita kuti ini naamai vangu tizotadze kuwirirana.

“Munin’ina wangu ari kufurirwa naamai nemurume wavari kufambidzana naye. Ndinotonzwa tsitsi ndikatarisa mwana uyu nekufurirwa kwaari kuita achitorerwa nhaka yababa vedu.

“Chikomba chacho ndicho ‘problem’ hombe muupenyu hwedu nekuti pari zvino amai vedu vari kuchirendera imba,” anodaro.

Mutongi Tafadzwa Miti akapa Owen gwaro redziviriro.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *