Siyanai nemukadzi wangu – Mosquito

Kingstone Mapupu
VAKURU vakareva apo vakati nhamo haibve pane imwe.

Muchinda wekumboita mukurumbira munyaya dzetsiva, Alfonso “Mosquito” Zvenyika, anoti akazviparira apo akabuda muKwayedza svondo rapera achitsvaga rubatsiro kuruzhinji apo aiti ava kutambura.

Kubuda kwenyaya iyi nemifananidzo yemhuri yake mupepanhau anoti kwamuparira sezvo vamwe varume vave kuridzira mudzimai wake pamwe chete nevanasikana vake — avo ane nhamba dzenhare dzakabuda munhau — vachivapfimba.

Zvenyika anoti haasisina kugadzikana sezvo ava kutyira kutorerwa mudzimai nevarume vari kumufonera vachimuudza kuti arambe murume kuti ivo vamubatsire nekuzomuchengeta.

Mosquito — zita raZvenyika remadunhurirwa — akauya kumahofisi eKwayedza nemusi weMuvhuro svondo rino achiti hapana chaakagona apo akabuda munhau achikumbira kubatsirwa.

Kwayedza resvondo rapera rakaburitsa Zvenyika achitsvaga rubatsiro apo akapa nhamba dzake nedzemudzimai wake pamwe chete nedzemumwe mwanasikana wake nechinangwa chekuti vanoda kuvabatsira vakwanise kuvaridzira nhare.

Alfonso Zvenyika

Asi Zvenyika anoti kune vamwe varume vanetsa nekuridza nhare vachipfimba mudzimai wake zvose nevanasikana vake.

Kwayedza ine manhamba evarume vari kuridza nhare vachipfamba mudzimai waZvenyika, Jesmine Alfonso Zvenyika nevanasikana vake vanosanganisira Margaret Alfonso Zvenyika.

Vamwe vacho vari kutumira ari mashoko.

“Ndakazvipira kubuda muKwayedza kuti ndibatsirwe kwete kuti mudzimai wangu nevanasikana vangu vapfimbwe. Zvingaite here kuti nditengese mudzimai nevana nekuda kwenhamo?

“Ndiri kutsiura varume vasina hunhu ava kuti dai vambosiyana nemudzimai wangu, ndine muchato naye uye haasi wemapoto. Vanasikana vangu hatina kuti tiri kutsvaga varume uyewo pane mumwe akatoroorwa,” anodaro Zvenyika.

Mamwe emashoko akatumirwa panhare dzemudzimai waZvenyika nekuvanasikana vake anoti, “Tsvagai basa morimawo garden kupemha musiri zvirema hakuna kunaka”, “Makadii zvenyu Alfonso family? Nyaya yenyu ndakaiona hamudi mukuwasha here mundipewo mwana wenyu ndigare naye? Ndiri kutsvaga mudzimai ndine makore 28 ndiri kuMarondera”, “Maggie ndiri kukuda zvangu warara sei mudiwa please darling kwereta $40 uuye ini ndozokupa wodzorera ndikakutumira zvimwe hauzouya please, ita saizvozvo”.

Zvenyika anoti mudzimai wake ave kutotya kugara nenhare yake nekuda kwevarume vari kumunetsa nekumupfimba ava.

“Ndine vamwe vari kufonera mudzimai wangu ndichitodavira foni ini ndichivapindura kuti uyu mukadzi wangu kwete zvavanofunga izvo. Mudzimai wangu ave kutotya kugara nefoni iyi, ndava kugara ndichidavira varume ava. Mumwe akatofona achiti ndinoda kutaura naJesmine ndikamuti ndini murume wacho,” anodaro Zvenyika.

Mosquito anoenderera mberi: “Kuvarume ava ndinoti ngavasiyane nemukadzi wangu, vakatamba vachidaro ndikangovaziva nekuvaona mumwe zvibhakera zvinomubakira akazoti mavara azare ivhu. Kune vasina chekubatsira nacho kumhuri yangu ngavasiyane nesu, ngavazvigarire nezvinhu zvavo.”

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *