TICHA CHIMUTI DYO-O MUZISO REMWANA

Muchaneta Chimuka
MURAIRIDZI wepaRinga Secondary School, kuBeatrice — wekurova vana vechikoro achivapomera mhosva yekusatsvaira mukirasi – ava kudemba zvichitevera kutyoka kwakaita shamhu yaaivarovesa, ichibva yanobaya muziso remumwe mwana zvikaita kuti akuvare zvikuru.

Tawanda Mazorodze (29) — uyo ari kubvuma mhosva yake — akamiswa pamberi pedare reChitungwiza Magistrates’ Courts achitongwa nemhosva yekukonzera kukuvara kwemwana uyu (Section 91 (ii) of the Criminal Law Codification and Reform Act Negligently causing serious bodily harm).

“Mhosva yandiri kupomerwa ndinoibvuma. Asi ndaisada kumukuvadza sezvo paakakuvara ndaitoranga mumwewo mwana panova pakazotyoka chidimbu cheshamhu chikanopinda muziso rake netsaona,” anodaro Mazorodze.

Mutongi wedare iri, Winfilda Tiyatara, anoti Mazorodze adzoke kudare nemusi wa28 Nyamavhuvhu apo kutongwa kwenyaya iyi kuri kuenderera mberi.

Muchuchisi Norman Koropi akaudza dare kuti nemusi wa18 Kukadzi gore rino munguva dzekumazuva rodoka, Mazorodze — uyo anoshanda ari pasi pebazi rezvedzidzo yepuraimari nesekondari — anonzi akakuvadza ziso raTafara Chisora (16) apo akamubaya nechimuti.

Anoti pazuva iri, Mazorodze akapinda mukirasi umo maiva nemumhan’ari nevamwe vana achibva avaudza kuti vaya vakanga vasiri kutsvaira mukirasi vamire vakaita mutsetse ndokutanga kuvarova neshamhu.

Paakanga ava kurova mumwe wevana ava anonzi Honoured Mutangadura, shamhu iyi inonzi yakabva yatyoka, ndokubva chimuti chacho chanobaya muziso rekurudyi raTafara zvikaita kuti akuvare zvikuru.

Magwaro ekwachiremba akarapa mwana uyu akaburitswa mudare seumbowo.

Tafara anoudza dare kuti paakaudza ticha vake kuti vakange vamukuvadza paziso, murairidzi uyu akatoramba achimurova.

“Pazuva iri, ticha vakapinda mukirasi vachibva vavhara musiwo apo ini ndakanga ndichitsvaira naNdava Mishi naHonoured Mutangadura.

“Vakabva vatipatsanura nevamwe vakanga vasiri kutsvaira.

“Pavakanga vava kurova mumwe mwana wechikoro, ndipo pavakamupotsa shamhu iya ichibva yatyoka chimuti, ndokunobaya muziso rangu.

“Ndakatanga kubuda ropa ndichibva ndavaudza kuti mandikuvadza asi vakatotanga kundirova kumashure.

“Ndakazoperekedzwa naMishi kuchibhorani kunogeza ropa raibuda muziso,” anodaro Tafara.

Vamwe vana vaive mukirasi umu vakamirawo mudare vachipa huchapupu pamusoro penyaya iyi.

Related Posts

Kaka amiswa basa . . . opomerwa kushandisa juju

Tadious Manyepo MAZUVA mashoma mutambo mukuru pakati peDynamos neHighlanders wabva mukutambwa, DeMbare yamisa basa murairidzi wayo, Genesis “Kaka” Mangombe, apo ongororo iri kuitwa maererano nemhosva dzaari kupomerwa, dzinosanganisira kushaya ruremekedzo…

ADVERTORIAL: Reply to the Second Reading debate: Constitution of Zimbabwe Amendment Bill No.3, 2026 by Honourable Ziyambi

Introduction Mr. Speaker Sir, I rise to reply to the Second Reading debate on the Constitution of Zimbabwe (Amendment No.3) H.B.1. Bill, 2026. Before doing so, may I thank Honourable…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×