Soul Jah Love aitwa gamba

Abel Ndooka

MUIMBI weZim-dancehall Soul “Soul Jah Love” Musaka – uyo akashaika nemusi weChipiri – apihwa chiremerera chekuve gamba rehondo (liberation hero).

Izvi zvaziviswa naDr Obert Mpofu avo vanova Zanu-PF Secretary for Administration.

Soul Jah Love akashaika achangosvika pachipatara cheMbuya Dorcus Hospital nechirwere cheshuga.
Muimbi uyu akaita mukurumbira nenziyo dzinosanganisira Ndini Uya Uya, Pamamonya Ipapo naHove Huru Dzinodyira Kwasviba.
Zvakawanda zviri kutevera.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×