Suarez akadzokera kuBarca

BARCELONA yakatenga zvakare Denis Suarez (22) kubva kuVillarreal nemari inosvika £2,7 miriyoni.Chikwata chekuSpain ichi chakashandisa chibvumirano chachainge chakaisa mukondirakiti yemutambi uyu pachakamutengesa gore radarika, ndokumudzora kuNou Camp zvichitevera kutamba kwaakaita nhabvu inonwisa mvura kuVillarreal.

Suarez, uyo akambotambira Manchester City, akasayina kondirakiti yemakore mana uye mukondirakiti yake makatarwa kuti kana vave kuda kumutengeswa anotengeswa nemari inosvika £42 miriyoni.

Barca yakatenga Suarez kubva kuManchester City mugore ra2013, apo City yakange yatenga mutambi uyu kubva kuSpain.

City yaburitsa £500,000 yekutenga Suarez makore mashanu adarika, mari iyo Celta Vigo yakatambira nemufaro.

Akaedza zvikuru kuti afadze murairidzi wechikwata ichi, Roberto Mancini, asi hapana kwazvakasvika sezvo akangotambiswa mitambo miviri yeCapital One Cup.

Paakadzoka kuNou Camp, Suarez akapedza mwaka wekutanga achitambira Barcelona B apo  akambonotambira Sevilla nechikwereti ndokuzotengeswa kuVillarreal pakapera kondirakiti yake.

Mutambi uyu akatamba nhabvu inonwisa mvura muchikwata chaMarcelino icho chakabudirira kupinda mumutambo weChampions League wemwaka unotevera zvichitevera kupedza kwachakaita chiri pechina pamwe nekusvika kusemi-fainari yeEuropa League.

Luis Enrique akaedza kudzosa Suarez kuBarca muna Ndira asi mutambi uyu akaramba achiti anoda kuramba ari kuVillarreal kusvika mwaka wapera.

Matambiro aakaita nhabvu mwaka wadarika aiyevedza zvikuru izvo zvakamuona achishevedzwa kuzotambira nyika yake yeSpain paakapindira David Silva apo vakasangana neBosnia and Herzegovia muna Chivabvu. — Daily Mail Football

 

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *