Sulu opemberera bhavhadhe mwoyo usina kugadzikana

Trust Khosa-Zimpapers
SHASHA yemusambo weDendera, Suluman Chimbetu, anoti ari kupemberera kusvitsa makore 44 okuberekwa panguva iyo mwoyo wake wakaremerwa zvakanyanya.
Mubatsiri wemabasa etsitsi, chipangamazo uye shasha yekusimudzira vamwe vaimbi, Sulu — sekuzivikanwa kwaanoitwa — anobuda pachena kuti mwoyo wake unorwadza zvakanyanya sezvo nyika iri kuramba ichirasikirwa nevechidiki nekuda kwekutorwa kwezvinodhaka.
Akaberekwa nemusi wa27 Chivabvu 1982, mutungamiriri wechikwata cheOrchestra Dendera Kings, uyo ari kubatsira vanhu vanotambura, kusanganisira vasungwa pasi peZimbabwe Prisons and Correctional Service (ZPCS), anoti acharamba achisimudzira mabasa akanaka aya.
“Ndakaropafadzwa kurarama makore ose aya uye ndichiriritira mhuri yangu,” anodaro.
“Chikomborero kuti Mwari ari kuramba achindiropafadza nenzira yakadai uye ndinofanirwa kusimudzirawo upenyu hwevamwe.
“Asi ndinoshungurudzika kuti ndiri kupemberera bhavhadhe rangu mwoyo wangu wakaremerwa zvakanyanya nekuda dambudziko rekutorwa pamwechete nekushandiswa kwezvinodhaka iro tose tiri mushishi kurwisa.
“Kutaura chokwadi, mushandirapamwe unodiwa apo tiri kurwisa dambudziko riri pakati pedu iri,” anodaro.
Semunhu ane mukurumbira munyaya dzemimhanzi, Sulu anogara achikurudzira vanhu vanotora zvinodhaka kuti vabatsirwe vakwanise kusiyana nekatsika aka.
“Tave nebudiriro huru panyaya iyi, ndingafare zvakanyanya kana tikagadzirisa dambudziko iri uye kuramba tichishandura nharaunda dzatinogara,” anodaro Sulu.
Anoti anonzwa kufara zvikuru kuti mhuri yake iri kumutsigira maringe nemuono wake semuimbi uye samuzvinhabhizimisi.
“Ndinotenda mhuri yangu, vana nehama dzangu nekuti vagara vachinditsigira kubvira pazuva rekutanga.
“Ndiyo mhando yerutsigirwo rwatinoda muupenyu, uye ndicharamba ndichiedza nepandinokwanisa kusimudzira zita remhuri pamwechete nenhoroondo yacho.
“Handidi kuti ndizorangarirwa semunhu akatadza kuzadzikisa zvimwe zvinangwa zvangu, uye ndichange ndiripo apo ndinenge ndichidiwa.”
Sulu anoti inyasha dzaMwari kuti akwanisa kutungamirira chikwata cheOrchestra Dendera Kings kwemakore anodarika makumi maviri.
“Kutaura chokwadi, ndiMwari chete pamwechete nevadzimu vari kusimudzira mabasa angu uye kuita kuti zviroto zvangu zvibudirire.
“Panyaya dzemimhanzi, tiri kuramba tichishanda nesimba, uye ndizvo zvazvagara zviri kwemakore akawanda,” anodaro.
Sulu, uyo anotenda mukushanda nesimba, anokurudzira vaimbi vari kusimukira kuti vashingairire mumabasa avo.
“Hapana zvekudimbudzira muindasitiri yezvemimhanzi, umo dzimwe nguva zvinhu zvinomboona.
“Ndagara ndiine zvidzidzo zvandinopa kuvaimbi vari kusimukira apo tinovakurudzira kuti vasaite zvinhu zvavo vachidimbudzira.
“Kutaura chokwadi, kudimbudzira imviro-mviro yekuenda kwezvinhu mudondo nekudaro hakufanirwe kuitwa,” anodaro.
Sulu anoenderera achiti: “Sezvandambotaura pakutanga, ndinokurudzira vaimbi vari kusimukira kuti varambe vakazvipira pabasa ravo vorega kutora zvinodhaka.”
Panyaya dzemimhanzi, Sulu ari kuramba achisimukira uye nziyo dzaakatsikisa dzine mukurumbira dzinosanganisira “Sean Timba,” “Njiva,” na“Phone,” pakati pedzimwe — zvichibva munhoroondo yakapfuma yababa vake avo vaive shasha yemagitare zvakare.
Semunhu anobva mumhuri ine mukurumbira mumimhanzi, Sulu anoziva zvinotarisirwa kubva kwaari nekudaro izvi zvinomusunda kuti ashande nesimba.
Baba vevana vana (4), Sulu anoti anonzwa kugamuchirwa apo ari kupemberera bhavhadhe rake.
“Pakupedzisira, ndinofara kuti Mwari vanondida uye ndicharamba ndichishanda nesimba.
“Maringe nekupemberera (bhavhadhe), zviri kuvatsigiri kuti vaone zvavangaite, asi kumba, tine zvatiri kuita.
“Semunhu anofanirwa kupa mucherechedzo wakanaka, ndinoda kushandisa kuzivikanwa kwandinoitwa kusandura upenyu hwevamwe kuti huite zviri nani,” anodaro Sulu.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×