Takanganiswa neCovid: TIMB

Kingstone Mapupu

BASA rekutengeswa kwefodya yemwaka wakadarika munyika muno rinonzi rakakanganiswa zvikuru nekuda kwechirwere cheCovid-19 izvo zvave kutyirwa kuti dambudziko iri richadzokorora zvakare gore rino.

Dr Andrew Matibiri, avo vanova chamangwiza weTobacco Industry Marketing Board (TIMB), vanoti sezvimwe zvikamu zvose munyika, chirwere cheCovid-19 chakakanganisawo kutengeswa kwefodya kwakanaka mumwaka wadarika.

“Sekambani inomirira varimi vefodya, takasangana nematambudziko mazhinji munyaya dzekutengeswa kwefodya mumwaka wa2019 kusvika 2020 nekuda kweCovid-19. Kumisika yedu yekutengesa fodya tinoda vanhu vashoma izvo zvinokanganisa varimi vazhinji nekuti ivo vanenge vasipo, saka havazonzwisisa chaizvo zvinenge zvaitwa vasipo,” vanodaro Dr Matibiri.

Mwaka wakadarika, varimi vaiva nemabhero aiva pasi pezana vaitsvagirwa vanhu vekuvatengesera fodya yavo vasipo izvo zvinonzi zvaizokonzerawo mamwe matambudziko. 

Vanoti mwaka wadarika waive wakakomberedzwa nematambudziko anosanganisira kusanaya kwemvura zvakanaka ndokuzobatanidzirawo nekunyuka kwechirwere cheCovid-19.

“Mwaka wainge usina kuita zvakanaka nedenda iri reCovid-19. Varimi vedu vazhinji havana kukohwa fodya yavo zvakanaka nekuda kwekuti mvura yaiva shoma zvikuru,” vanodaro Dr Matibiri. 

Vanoti kunyangwe zvazvo mwaka uno mvura iri kunaya zvakanaka, kune matambudziko akasiyana, mamwe acho ari kubva mumwaka wakapera anosanganisira kuti varimi havana kuwana goho rakanaka izvo zvakadzosera mabasa avo kumashure.

“Asi hazvo, mwaka uno fodya yedu yakanaka zvikuru zvichitevera kunaya kwemvura zvakanaka. Asi nekuwanda kuri kuita vanhu vari kubatwa nechirwere cheCovid-19 nevari kufa, pane tarisiro huru yekuti mwaka wedu wekutengeswa kwefodya wa2021 unogona zvakare kunonoka nedonzvo rekurwisa chirwere ichi.” 

Dr Matibiri vanoti varimi vazhinji vakarima fodya yavo vachiita zvekudiridzira vave kutokohwa vachipisa nekuisa mumabhero.

“SeTIMB, hatisati tave kuziva kuti mwaka wekutengesa fodya wegore rino uchatanga rinhi sezvo zvichabva kuHurumende. Asi kurudziro yedu tinongoti kuvarimi ngavakohwe fodya yavo vachitevedzera mitemo inodiwa,” vanodaro Dr Matibiri. 

Zimbabwe inowana mari inosvika US$1 bhiriyoni pagore kubva mukutengesa fodya.

Related Posts

Makore mashanu mujeri nemhosva yokuba akapakata zvombo

Getrude Manyande MURUME ane makore 54 okuberekwa wekuBulawayo akatongerwa kugara mujeri kwemakore mashanu azere nemhosva yokuba akapakata zvombo pane imwe imba murukisheni rweMbundane, apo chirangio chakapiwa mwanakomana wake pamhosva yekugamuchira…

Dambudziko rekuitira tsvina pose-pose rakura muguta reHarare

Muchaneta Chimuka KANZURU yeHarare yoshorwa zvikuru panhau yekusiya vashandi vayo vachibhadharisa voruzhinji US50 cents pamunhu kuti ange achipinda muchimbuzi zvisinei nokuti nzvimbo idzi dzinofanira kunge dzichishandiswa pachena. Izvi zviri kuita…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×