Takarwira zvemishonga kumasowe: Madzibaba

MUPOROFITA wekuHopley, muHarare, anoti iye haazi pakati pevamwe vari kupomerwa kunamatira vanhukadzi vari musvo.

Izvi zvinotevera nyaya yakabuda mubepanhau rino svondo rapera yaive pamusoro pemaporofita ekunzvimbo iyi ayo ari kupomerana kunamatira vanhukadzi vasina kupfeka pamwe nekushandisirana mishonga pamasowe.

Maporofita ari kunongedzana munyaya dzekushandisirana mishonga nedzekunamatira vakadzi vari musvo ndeanoti Innocent “Madzibaba Shenbye” Kamhuta (36) wechechi yeJohane Masowe Nyenyedzi Nonwe, Denford Mabuku (30) uyo anozivikanwa sa”Madzibaba Wedbye” achitungamirira chechi yeJohane Masowe yeChishanu Sowe reCanaan na”Madzibaba Enock” kana kuti Takawira Pongo.

Madzibaba Wedbye pamwe naMadzibaba Enock vose vakabuda kubva muchechi yaMadzibaba Shenbye.

Achitaura svondo rino, Madzibaba Wedbye anoti iye haanamatire vanhukadzi vari musvo.

Anoti nyaya yaanoziva ndeyekuti vakarwisana naMadzibaba Shenbye mushure mekunge vapomerana nyaya dzekushandisirana mishonga pamasowe.

“Ini ndinotsinhira kuti Madzibaba Shenbye avo vanozivikanwa nekunzi “Madzibaba Crynage” ndivo vandakarwisana navo nenhau yekudyarirana mishonga kumasowe bedzi uye ndakabuda muchechi mavo nenhau yekuti vakange vasingadi kupfuurwa nemadzimai evanhu.

“Ini handinamatiri vanhu vari musvo nekuti zvinosvibisa zita rangu. Ndinoda kuti madzimai ari kuitirwa izvi mumachechi vafumure vanhu ivavo kuti vasungwe,” anodaro.

Anokurudzira veruzhinji kuti vaverenge bepanhau reKwayedza achiti rinobatsira mukurwisa kumbunyikidzwa kwevanhukadzi mumachechi umo vanoenda kunobatsirwa.

Zvakadaro, Madzibaba Shenbye naMadzibaba Enock vari kupomeranawo kunamatira vanhukadzi vari musvo, kunyangwe zvazvo vose vari kuramba kuti havaite katsika aka.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×