‘Tane 4 days tarambana

Courtney Munodawafa

VANHU vaive mudare vakakahadzika apo mumwe mukadzi aive amhan’arira murume wake achiti ari kumushungurudza akati vane mazuva mana chete varambana.

Gally Gwaimbo akazvuzvurudzira Maxwell Magutakuwona kuHarare Civil Court achiti ari kumudzinga pamba.

Mutongi Noah Gwatidzo akapa Gwaimbo gwaro redziviriro ndokuti adzokere kunogara kumba kwaaigara nemurume.

Gwaimbo anoti Magutakuwona anouya kumba achibva kune mumwe mukadzi osvikomudzinga.

“Uyu murume wangu asi tane 4 days tarambana. Ndinogara kuHopely kumba kwedu asi iye anomboenda kuSouthlands achimbouya kumba. Paanobva kumukadzi wake anosvika achiita hondo achindidzinga pamba. Tiri pabarika,” anodaro.

Gwaimbo anoti haadi kuti Magutakuwona amushungurudze zvachose.

“Chikumbiro changu kudare ndechekuti dai aregera kundishungurudza, kundituka nekundidzinga kumba nekuti imba ndeyedu tese. Ndatobva panext door ndichiuya kudare nhasi uye ngaachengete mwana wake,” anodaro.

Gwaimbo anoenderera mberi achiti, “Anonditi ari kundidzinga nekuti baba vemumwe mwana wangu vakambouya kumba, vakangoerekana vasvika ndakatoudza shamwari yangu ndichitoti hona mashura. Vakagumira kunze kwegedhi handina kuvabvumidza kupinda pamba,” anodaro.

Magutakuwona anoudza dare kuti ane zvikonzero zvaakadzingira mukadzi wake kumba.

“Hongu tane 4 days tarambana uye mai ava ndakavadzinga kumba asi ndakadaro nekuti baba vemwana wake vakauya kumba ndisiko. Zvaizofamba sei kuti munhu auye ini ndisiko? Pandakaroora mukadzi iyeye aiva nemwana waakauya naye. Manje zvino baba ava kuti vazouye kumba kwangu vanga vakuziva sei?” anodaro.

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *