Tarenda rizere kuDivision 1: Magaya

KUNENGE kusingadanwe anonzwa svondo rino muligi reDivision One apo zvikwata zvisere zvichatatsurana mumutambo weYadah TV Top 8 Knockout Tournament.
Yadah TV iri kukotsvera mutambo uyu neUS$30 000 apo chikwata chichahwina chichawana US$8 000, mukombe nemenduru dzegoridhe.

Vachitaura pakuparurwa kwemutambo uyu, Yadah TV executive chairman Prophet Walter Magaya, vakati uchabatsira zvikuru kusimudzira nhabvu kumaligi madiki emuno nekushambadza tarenda revatambi venhabvu sezvo mitambo yacho yese ichange ichiburitswa pamasaisai eterevhizheni iyi.

Prophet Magaya vanoti vamwe vechidiki vari kushaya zvekuita izvo zvinozovatuma kuswera vachiita zvedoro pamwe nekuputa zvinodhaka zvakaita sembanje.

Vanoti Yadah TV yakurumbira zvikuru uye iri kunyika dzinopfuura 142 saka kana mutambo uyu ukaburitswa pamasai-sai aya zvinobatsira zvikuru mukukwezva vakotsveri.

“Isu chataita kuvhura mukana chete wekuti mutambo uyu ugokwanisa kusimudzirwa nemasangano akasiyana.

“Tinoda chaizvo kuona masangano akasiyana achidira mari kuti ligi reDivision One risimbe, risimuke tibike vatambi vanogona chaizvo. Tinoda kusvika panguva yekuti mutambi anototiza kubva muchikwata chiri muPSL achienda kuDivision One nekuti ndiko kuchange kwave kutambwa nhabvu yese.

“Vana vedu vazhinji vari kupedza nguva yavo vachinwa doro pamwe nekuita zvembanje asi isu tinoda kuzvipedza, tarenda ravo ngarionekwe vauye kuzotamba nhabvu yavo kuDivision One.

“Yadah TV iri kunyika dzinosvika 142 uye tinoziva kuti nhabvu yedu ikabuda pamasai-sai aya zvinobatsira chaizvo kushevedza vakotsveri kuti vagouye kuno kuzodira mari mumutambo uyu.

“Chinhu chikuru chatinoda isu kuparidza shoko raMwari kuburikidza nemutambo uyu vanhu vachifara,” vakadaro Prophet Magaya.

Zvakadaro, zvikwata  zvichange zvichikwikwidza mumutambo uyu zvinoti Gunners FC vs Starbill, Flame Liiy vs Black Mambas, Bindura United vs neNgezi Platinum kozoti Mushowani Stars iyo ichasangana neLake Harvest.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×