Tariro yaTandi

Munyaradzi Gunduza —
1. MUSORO webhuku wekuti Dare Retariro unowirirana zvakadii nezviitiko zviri munyaya? Tsigira mhinduro yako nezviitiko zvishanu. [25]

Dare vanhu vane chinangwa.

Tariro chivimbo chekuti zvinhu zvinofamba zvakanaka semaonero avo. Dare retariro munhu kana vanhu vane chinangwa chekuvimbisana kuti vanokunda matambudziko avari kusangana nawo vozosvika pakugara zvakanaka muupenyu.

Musoro wenyaya unozadziswa nekutambirwa kwaTandiwe paanotizira. Izvi tinozviona zuva rinogarwa dare pamba paVaTigere, VaMandionei naZvidzai muridzi wepamuviri vanenge vachiramba kuti Tandiwe agare pamusha pavo. Zvidzai anoramba nhumbu yaive naTandi achiti haisi yake asi Moses mukoma wake, Mashama muzukuru wake naSabhuku Sango vanovimbisa Tandi kuti aizogara pamusha apa sezvo zvaive pachena kuti nhumbu iyi ndeyaZvidzai.

Musoro wenyaya unotsigirwa nekunonyoresa pamuviri kwaTandi kuchipatara. Izvi zvinobuda Moses paanopa amainini vake, Tandi tariro yekuti vaizozvarira mumusha mavo semuroora. Anoenda kumba kwamai vake, VaMandionei kwaigara Tandi achiti aperekedzwe kukiriniki kunonyoresa pamuviri naHazvinei mudzimai wake. Izvi zvinomupa tariro yekuti aizozvarira pamusha pemurume wake, Zvidzai zvinove zvaisadiwa navamwene vake, VaMandionei.

Musoro wekuti Dare Retariro unoenderana nedzidziso inopiwa Tandi namukoti Sibanda kuti mwana wake haaizorarama neutachiona hweHIV.

Zvinoonekwa paanotorwa ropa kukiriniki rowanikwa rine utachiona hweHIV, anofunga kuti ndipo painge paperera upenyu hwake nehwemwana waaizozvara asi mukoti Sibanda vanomutsanangurira vachimupa tariro yekuti mwana aizorarama zvakanaka asina utachiona hweHIV nekuti aidzivirirwa pakuzvarwa.

Izvi zvinopa Tandi tariro yekuti araramire kuzvichengetera mwana wake.

Musoro webhuku unofambirana nekudzidziswa kunoitwa Tandi kuti haaizofa neutachiona hweHIV. Izvi zvinojekeswa paanoonekwa kukiriniki kuti ropa rake rakanga rine utachiona hweHIV.

Anoridza mhere achiti akanga aine chirwere cheAIDS.

Mukoti Sibanda vanomupa chivimbo chekuti akanga asati ave kufa nekuti aive neutachiona hweHIV husiri chirwere cheAIDS uye akatevedzera zvese zvaaizodzidziswa navanachiremba aizorarama kwenguva refu.

Izvi zvinoita kuti Tandi azvionere ega kuti aive nemukana wakakura wekurarama.

Kuti Dare Retariro kunozadziswa neyeuchidzo inopiwa Tandi kuti aive nekodzero yekurarama.

Tinozviona pavanenge vari mumba maiva naZvidzai, Muchaneta naHazvinei anenge achivimbisa Tandi kuti akanga aine kodzero yekurarama saka hapana chaaifira nekuti utachiona hweHIV hunorera munhu, zvinove zvinombodzikamisa pfungwa nendangariro dzaaive nadzo.

2. Ndeapi madingindira anobuda muna Dare Retariro? Tsigira dingindira rega rega rawasarudza kubva munyaya iyi. [25]

Muna Dare Retariro mune dingindira rechirwere cheshuramatongo.

Dingindira iri rinojekeswa naZvidzai akanga arara naTandiwe aive mhandara mushure mekunge anyeperwa nen’anga yainzi Zinorengwe kuti zvaizomubatsira kupedza utachiona hweHIV hwaive muropa rake asi zvakaramba.

Rimwe dingindira nderechitendero chechiKristu.

Nyaya yechitendero chechiKristu inojekeswa naBaba Madzore vakaedza kubatsira Tandi kuti agare zvakanaka kuburikidza nekumutsvagira rubatsiro rwechikafu, mari nembatya kuchechi uye kumuyananisa nemhuri yemurume wake nekuzomutsvagira mikana yekudzidzisa vanhu nezveutachiona hweHIV nechirwere cheAIDS.

Muna Dare Retariro mune dingindira rebopoto. Rinozadziswa naVaMandionei vanopopotera muroora wavo, Tandi usiku vakamira pamusiwo wehozi yaairara vachimutuka kuti ipfambi yaida kunenera mwana wavo, Zvidzai pamuviri pasiri pake zvinoita kuti vazoguma vava kutukwawo naMoses vachinzi vapise mabhachi ekuchechi kwavo kuRoma.

Matambudziko evanhukadzi rimwe dingindira riri muna Dare Retariro. Pfungwa iyi inozadziswa naTandi aigara achingochema kunyanya mazuva aanoudzwa kukiriniki kuti ropa rake raive neutachiona hweHIV hwaakanga azadzwa naZvidzai uyo airambazve pamuviri pake.

Rimwe dingindira rinowanikwa munyaya iyi ndereukama hwavamwene nemuroora. ingindira iri rinoburitswa riri pakati paTandi navamwene vake, VaMandionei.

Tinoona VaMandionei vanenge vasingadi kugara nemuroora wavo vachida kuti adzokere kumusha kwavo zvinoonekwa nekumushungurudza kwavaiita kuburikidza nekumutuka kuti ipfambi.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *