Tasuwiswa zvikuru nerufu rwaSB Moyo

Tandayi Motsi

MUTUNGAMIRIRI wenyika President Mnangagwa vanoti vasuwiswa zvikuru zvichitevera rufu rwegurukota renyaya dzekunze kwenyika nekutengeserana pasi rose, Dr Sibusiso Moyo, avo vashaya nechirwere cheCovid-19 mangwanani eChitatu chino.

Vakafanobata chigaro chemunyori mukuru kumahofisi emutungamiriri wenyika nedare reCabinet, VaGeorge Charamba, vanoti nyika ichaziviswa zvakawanda pamusoro perufu urwu nekufamba kwenguva.

“Mutungamiriri wenyika President Cde E.D. Mnangagwa vanosuwa zvikuru nekuzivisa nezverufu mangwanani ano rwaDr S.B Moyo, gurukota redu renyaya dzekunze kwenyika nekutengeserana pasi rose. Gurukota iri rashaya nekuda kweCovid-19 pachimwe chipatara chemuno.

“Nyika ichaziviswa zvakawanda nekufamba kwenguva zvichitevera rufu rwegurukota iri iro range riri mhare yeuto uye murwi wehondo yerusununguko,” vanodaro VaCharamba.

Rufu rwaDr Moyo rwunotevera rwegurukota reHurumende raimirira dunhu reManicaland, Cde Ellen Gwaradzimba, nevamwe vanhu vakawanda vafa nekuda kwechirwere cheCovid-19.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×