Tava kuda dzidzo yazvino: Thabela

Munyori weKwayedza

HURUMENDE inoti ine hurongwa hwekutanga maSmart Classrooms (E-Learning) muzvikoro zvepuraimari ekukurudzira kushandiswa kwemakombiyuta mukudzidza kwevana nedonzvo rekuti vafambirane nenguva uye vagozova nehunyanzvi hwekugadzirisa matambudziko anosangana nenyika mune remangwana.

Mashoko aya akataurwa nemunyori mukuru mubazi redzidzo yepuraimari nesekondari, Mai Tumisang Thabela, pagungano reSecretary’s Merit Awards pachikoro cheEmganwini Primary School, kuBulawayo svondo rapera.

MumaSmart Classrooms, vana vanodzidza kuburikidza nemasai-sai nedandemutande uye nedzimwe nzira dzechizvino-zvino.

Gungano iri rakaitwa pasi pedingindira rinoti, “Vabatei vachiri vadiki apo tinoshanda mukusimudzira dzidzo yemhando yepamusoro-soro”.

Bazi redzidzo yepuraimari nesekondari rakabatana nebhengi reFBC kupa malaptop 45, standard projector, interactive board newhite board zvekushandisa mumaSmart Classrooms aya.

Chikoro ichi chakapihwa zvakare $10 000 yekuvandudza zvivakwa zvacho kubva kubazi redzidzo iri.

Mai Thabela vanoti kudzidza pachishandiswa chizvino-zvino semasai-sai zvinoenderana nehurongwa hwebazi ravo hwekuti vana vafambirane nenguva.

Vanoti kushandisa chizvino-zvino pakudzidza kunobatsira kuti vana vave nehunyanzvi hunobatsira pakuvandudzwa kweupfumi munyika pamwe nekusimudzwa kwemaindasitiri.

“Bazi redu rine hurongwa hwekudzidzisa vana vanozova nyanzvi mukugadzirisa matambudziko akasiyana-siyana mune ramangwana ravo. Naizvozvo tiri kukurudzira kushandiswa kwechizvino-zvino muzvikoro zvedu zvose,” vanodaro.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *