Maticha obairwa zvitupa…5 000 vakatotanga kunyoresa

Paidamoyo Chipunza

MATICHA 5 000 vakadzidzira basa vakatotanga kunyoresa kutsvaga mabasa nemusi weMuvhuro uno kumatunhu akatekeshera nenyika apo Hurumende iri kutora matanho ekuderedza huwandu hwevarairidzi vasiri kushanda.

Kunyoreswa uku kuri kutarisirwa kupera nemusi weMugovera uno.

Varairidzi vakadzidzira basa vari kutarisirwa kuburitsa magwaro anosanganisira ekupedza dzidzo nechitupa chekuzvarwa uye vanonyoresa kamwe chete kumatunhu avachasarudza kumapurovhinzi maviri avanoda kunoshandira.

Vanodzidzisa vana vechidiki (infant) vanotarisirwa kupa umboo hwekuti vanogona kutaura mitauro yemuno yakasiyana iyo inenge ichitaurwa kumatunhu uko vanoda kuzonoshandira.

Avo vakanyoresa kare, vanofanirwa kudzokera kunotarisa kwavakanyoresa kuti mazita avo achirimo here mumagwaro (database) uye kana paine zvinoda kuwedzerwa, vozvigadzirisa.

Muchinyorwa chakabva kubazi redzidzo yepuraimari nesekondari, munyori mukuru mubazi iri, Mai Tumisang Thabela, vanoti izvi zviri kuitika zvichitevera zvakabva kubazi rehomwe yenyika kuti vanofanirwa kupinza maticha 5 000 basa gore rinouya.

“Hurumende yakatendera bazi redzidzo yepuraimari nesekondari kuti ripinze maticha 5 000 basa mugore ra2020,” vanodaro.

“Maticha aya achapinzwa basa muzvikamu zviviri. Bazi repuraimari nesekondari richange richinyoresa varairidzi vakadzidzira basa rehuticha avo vanogona kuzopinda basa rekurairidza mugore ra2020.”

Tsvakurudzo yakaburitswa nePublic Service Commission (PSC) inoratidza kuti kune varairidzi vanosvika 19 993 vasiri kuenda kubasa asi vakadzidzira huticha uye vamwe vacho havana kumbobvira vashanda kubvira mugore ra2012.

Kushomeka kwematicha muzvikoro kwange kuchiita kuti murairidzi mumwe chete agume odzidzisa vana vanosvika 70 kupuraimari izvo zvisingatenderwe sezvo zvichitarisirwa kuti anofanirwa kurairidza vana 20 chete.

Nechinangwa chekuvhara mukana uripo panyaya yekushomeka kwematicha muzvikoro, Hurumende kubvira kutanga kwegore rino yakapinza basa varairidzi 3 000.

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *