Tendai ‘Beast’ Mtawarira ava ambassador

Abel Ndooka

KAMBANI huru pakugadzira michina inoshandiswa mukugadzurudza nharaunda, yeHusqvarna, yekuSweden yakagadza shasha yemutambo werugby Tendai “Beast” Mtawarira kuve mumiririri wayo (ambassador) wekutanga kubva muAfrica.

Mtawarira chizvarwa chemuZimbabwe asi aita mukurumbira achitambira maSpringboks ekuSouth Africa uye masvondo adarika akanetsa zvikuru kumakwikwi eRugby World Cup ayo akaitirwa kuJapan.

Muchinda uyu akatungamira maSpringboks kuhwina mukombe uyu mumutambo uyo wakave wake wekupedzisira achitambira chikwata ichi.

Achibva kumakwikwi aya, Mtawarira akapembererwa neAfrica yose nematambiro aakaita.

Muchinyorwa chakabva kuHusqvarna, Husqvarna Africa’s regional marketing manager, Jenna Robinson, anoti kambani yavo, iyo inozivikanwa Africa yese, iri kutarisira kushanda zvakanaka naMtawarira.

“Isu sekambani, tiri munyika dzinodarika 30 dzemuAfrica uye tinozivikanwa tichipemberera mubasa redu. Mukudaro, tiri kuda kuramba tichitungamira uye mukubatana naTendai tinosvika kure, munhu uyo agara anozivikanwa kwose,” anodaro Robinson.

Mtawarira anoti anonzwa kusimudzirwa zvikuru kushanda nekambani iyi.

“Ndinonzwa kuzvininipisa uye kusimudzirwa kuve mumhuri yeHusqvarna. Ikambani huru uye zvinofadza kushanda nevanhu vakazvipira mubasa ravo,” anodaro.

Mtawarira anozivikanwa achitamba rugby kuchikwata chemaSharks uko aipedza nguva refu achitenderera kunyika dzakasiyana uye anoti inguva shoma yaanowana apo anombobatsira mudzimai wake kuita mabasa epamba.

“Nguva zhinji ndinopedza ndiri munzira dzichifamba nerugby. Kana ndiri pamba, pandinenge ndakasununguka ndinopedza nguva ndichiita mabasa epamba. Iye zvino zvandave kusacheka huswa ndave kukwanisa kupedza nguva zhinji ndiine mhuri yangu,” anodaro Mtawarira.

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *