Orohwa nemurume ‘home & away’

Courtney Munodawafa

MUMWE mudzimai anoti agurwa kunorira nemurume wake uyo ari kumushungurudza nekumurova zvisinei nekuti ndiye ari kumuchengeta zvose nevana vavo.

Melody Sanyika akataura mashoko aya mudare reHarare Civil Court apo akamhan’arira Tinotenda Magamba.

Mutongi Noah Gwatidzo akapa Sanyika gwaro rinomudzivirira.

Mudzimai uyu anoti murume wake anomurova nekumushungurudza kumba zvose nekubasa.

“Uyu murume wangu uye tine muchato asi andipfidzisa. Anondirova pamberi pevana achindituka zvose nevana nezvinyadzi zvekuti unotoshaya pekubata nemashoko aanoshandisa. Ndakambomhan’ara kumapurisa akandiudza kuti ndiuye kuno.

“Murume uyu andishungurudza, anonditevera kubasa kwangu achinditukirira, izvo zvave kukanganisa makasitoma angu,” anodaro.

Sanyika anoti haadi kuti murume wake asvike kubasa kwake.

“Ngaasauye kubasa kwangu kuPassion Hair Salon zvose nekumba. Haadi kubhadhara rendi, ndini ndinotomuchengeta. Angagare sei pamba kana asina chaanobvisa?

“Handizive kuti imhosva here kumuchengeta kwandiri kuita? Kuti uku kumutuma kuti andirove? Izvozvi takarambana asi muchato hatisati tagurisa kudare,” anodaro.

Magamba anopikisana nechikumbiro chaSanyika achiti haamushungurudze.

“Hongu takarambana uye handichatogare naye. Ndiri kugara kumba kwevabereki vangu. Vana vanotouya kumba maweekends, kana dai ndaishungurudza vana aindibvumidza kuti ndivatore here? Anonyepa, anga ari kuZambia mwedzi wese paakangodzoka amai vake vakauya naye kuti andipe gupuro,” anodaro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×