EXPERTS TACKLE MARRIAGE WOES AS DIVORCES EXPLODE

Zimpapers Entertainment Hub ZIMBABWE’S marriage landscape is under pressure.

Ndakaberekerwa kushandira nyika: Suluman

Trust Khosa MUIMBI ane mukurumbira wemusambo weDendera, Suluman Chimbetu, anoti akaberekerwa kuti ashandire nyika pamwe chete nekuunza mufaro kumamiriyoni ezvizvarwa zveZimbabwe. Shasha iyi yechikwata cheOrchestra Dendera Kings yakataura mashoko aya…

Hapana nzvimbo inokunda kumusha: King Isaac

Trust Khosa MUIMBI wemusambo wereggae ane mukurumbira King Isaac, uyo pari zvino ari kugara kuUnited States, anoti hapana nzvimbo inokunda kumusha. Mudzidzisi wezvekuimba uyu, uyo ane dambarefu rinonzi “Isaacs Meets…

‘Hamungaimbi song yangu!’ . . . Stunner otsoropodza BaShupi

Zimpapers Arts and Entertainment Hub MUIMBI ane mukurumbira mumisambo inoti hip-hop uye urban grooves, Desmond Tambawoga Chideme, uyo anonyanya kuzivikanwa saStunner, anoti ari kushungurudzika nekuimbwa kwakaitwa kambo kake “Godo” padopiro…

Apostle Tasara azviita zvakare

Abel Ndooka MUIMBI wenziyo dzechitendero – Apostle Tichaona Tasara – orwisa kutorwa kwezvinodhaka nevechidiki uye nekuvakurudzira kuti vave nehunhu hunoyemurika kuburikidza nekambo kake katsva kaakabura kanonzi ‘Temberi YaJehovha’. Pakambo aka,…

Ndaimborarama nekubata mbeva ndichitengesa: Macheso

Trust Khosa ALICK Macheso anoti aimborarama nekubata mbeva achitengesa. Izvi zvaiona pasvondo rimwe chete achibata mbeva dzinosvika 900 uye achidzitengesa kuDzivaresekwa. Mutungamiriri wechikwata cheOrchestra Mberikwazvo uyu akakurira kuShamva asati aenda…

Rudo rwechokwadi rwuchiriko: Tanga wekwa Sando

Trust Khosa SHASHA yemusambo wejazz, Tanga wekwa Sando, anoti rudo rwechokwadi rwuchiriko. Akataura mashoko aya apo vanhu vari murudo vari kugadzirira kupemberera zuva guru reValentine’s Day. Zuva iri rinopembererwa nemusi…

Jeketera Dance Group yosimudzira mureza weZim kuIndia

Langalihle Mhiti CHIKWATA chenziyo nemitambo yechinyakare cheJeketera ReNyaningwe Traditional Dance Group parizvino chiri kuIndia senzira yekusimbaradza ukama uye kudyidzana kwetsika nemagariro pakati peZimbabwe nenyika iyi. Chikwata ichi chiri kumiririra Zimbabwe…

Spirit Praise yoronga kutsikisa ipapo ipapo nevatsigiri

Zimpapers Entertainment Hub VANHU vanofarira musambo wechitendero vachave nenguva inofadza pazororo rino sezvo chikwata cheSpirit Praise Worship Team chiri kugadzirira kutsikisa dambarefu rinonzi “Receive Our Praise” ipapo ipapo panenge paine…

Muimbi mukuru wesungura Zakaria ashaya

Munyori weKwayedza MUIMBI wesungura ane mukurumbira Nicholas Zakaria ashaya. Mhuri yake yazivisa nezverufu rwaZakaria, uyo vazhinji vaiziva nezita rokuti Madzibaba kana kuti Senior Lecturer. “Tine kurwadziwa kukuru kukuzivisai nezvekushaya kwaNicholas…

×
×