Tine juju: Zitsotsi

‘Hatibatwe nemapurisa’

Abel Zhakata ari   kwaMUTARE
CHIKWATA chembavha dzaiba dzakapakata zvombo icho chaipinda mudzimba nechisimba pamwe nekubata chibharo nyaya dzinosvika 21 munzvimbo dzinogara shoroma kwaMutare chinonzi chaishandisa juju kuti chisabatwe nemapurisa.Izvi zvakaziviswa nemumwe wevasungwa ava, Ernest Chirara (32), zvichitevera kuzosungwa kwaakaitwa nemapurisa kuMozambique nemhosva yekurova munhu.

Mushure mekunzwa nezvekusungwa kwaChirara, chikwata chematikitivha epakamba yeMutare Central Police Station – icho chaisanganisira Inspector Nyakuwanikwa, Assistant Inspector Nyamawere naConstable Nkomo – vakabva vaenda kuManica District Police Headquarters, kuMozambique.

Nerubatsiro rwaChief Inspector Geraldo vanove District Director of National Investigation Services, chikwata chematikitivha ichi chakawana mukana wekubvunzurudza Chirara pamusoro pemhosva dzaari kupomerwa.

Chirara anobvuma kuti akapara mhosva idzi kwaMutare achibatsirana nevamwe vake vana.

Mukuru wechikwata chembavha ichi akasungwa gore rapera asi vamwe vatatu vachiri kuvhimwa nemapurisa.

Chirara anoti vainoba paimba yose yose ine satellite dish kunzvimbo inogara shoroma uye vaishandisa juju yekuti vasabatwe nemapurisa pamwe nekuti imbwa dzinoshandiswa nemapurisa dzitadze kuronda hwema hwavo.

Chikwata chematikitivha ichi chakatonyorera magwaro (extradition order) kune vamwe vavo vekuMozambique ekuti Chirara aunzwe kuZimbabwe azotarisana nemhosva dzake 21 dzekubata chibharo nedzimwe dzekuba akapakata zvombo.

Chirara — uyo anobva kudunhu reManica, kuMozambique — mumwe wembavha shanu dzinonzi dzakamuka chibhebhenenga gore rapera nekuba dzakapakata zvombo, kupwanya dzimba vachipinda nekuba uye kubata vanhukadzi chibharo kunzvimbo dzinogara shoroma kwaMutare.

Chikwata ichi chakashungurudza mapurisa zvikuru nekuti pose pavaipara mhosva, vaibva vatizira kuMozambique vachishandisa nzira dzemukoto kubuda muZimbabwe.

Anonzi mukuru wechikwata ichi, Domingo Luiz Zuze, akasungwa gore rapera muZimbabwe uye ari mutirongo paMutare Remand Prison.

Chirara ange achitsvagwa nemeso matsvuku nemapurisa pamwe nevamwe vake vanoti Joao Antonio Amisi, Kuda naTakudzwa avo vasati vabatwa.

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×