Tinemi panguva ino – First Lady

Munyori weKwayedza
MUDZIMAI wemutungamiri wenyika First Lady Amai Auxillia Mnangagwa – avo vanove zvakare Patron wesangano rinobatsira vanotambura reAngel of Hope Foundation – vanoti vanoshushikana zvikuru nekurasikirwa kwakaitwa vanhu vanodarika 98 neupenyu nekuda kwenjodzi yemafashamu emvura yaive nedutu guru kumatunhu akasiyana enyika, zvikuru kuManicaland.

Mumashoko avo, Amai Mnangagwa vanonyaradza mhuri dzose dzakarasikirwa nehama neshamwari nekuda kwemafashamu aya.

“Tine hurombo zvikuru kune mhuri dzakarasikirwa nevadikani vavo uye tinoramba tiinavo muminamato yedu. Mwoyo yedu inoenda zvakare kune avo vachiri kuda rubatsiro,” vanodaro.

Amai Mnangagwa vanoti sangano ravo reAngel of Hope Foundation riri kutsvaga rubatsiro rwekuti vabatsire vanhu vakasangana nenjodzi iyi.

“Tiri mubishi kutsvaga rubatsiro rwekuti tiendese kuvanhu vakatambudzwa nemafashamu kuChimanimani nemamwe matunhu uye tinotenda zvikuru rumwe rutsigiro rwatakawana pari zvino kuti tibatsire vamwe vari mudunhu reManicaland,” vanodaro.

Related Posts

‘Ndiri kuda kudya nyama yemunhu’

Kingstone Mapupu MWANASIKANA ane makore 21 okuberekwa anobva kwaSabhuku Mugugu, mudunhu raMambo Zvimba, kwaZvimba, anonzi atambudzwa nemweya wave nemakore matatu uchisvika paari, uchitaura kuti unoda kudya nyama yemunhu. Mwanasikana uyu…

‘Hondo’ yekurwisa kutorwa kwezvinodhaka yakora muto

Munyori weKwayedza ZVINODHAKA nezvimwe zvisingatenderwi zvinokosha ZiG80 miriyoni zvakatorwa kubva kune vanozvitengesa panguva iyo Hurumende iri kusimbaradza nyaya yekurwisa dambudziko iri, Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko nenyaya dzenhepfenyuro Dr Zhemu Soda vanodaro.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *