Tinotenda Sadza newua: Mathuthu

Abel Ndooka —
MUTEVEDZERI wegurukota rezvekufambiswa kwemashoko nenhepfenyuro, Cde Thokozile Mathuthu, vanorumbidza Professor Hope Cynthia Sadza nekusimudzira kwavari kuita dzidzo yevanhukadzi kuburikidza nekuvamba kwavakaita Women’s University in Africa.

Cde Mathuthu vakataura mashoko aya svondo rapera apo vaive muenzi anoremekedzwa pakumema nevatori venhau muzinda mutsva weWUA uyo uri kuManressa, muHarare.

“Ndinotenda Prof Sadza nekurwa kwavakaita kutangisa yunivhesiti yemadzimai. Muupenyu, tine vamwe vanhu vanongogona kuona matambudziko, voita ruzha rwekungonongedzana vachipomerana mhosva. Asi Prof Sadza vakaona pane nyaya yekumbunyikidzwa kwemadzimai, ndokugadzirisa zvaidiwa.

“Kana tikadzidza kubva kumagamba akadai, tose tinove vanhu vakanaka chaizvo,” vanodaro.

Cde Mathuthu vanoti zvakakoshawo kuti masangano ezvenhau aburitse nyaya dzine hudzamu uye dzine chekuita nevanhukadzi.

Vachitaurawo, Prof Sadza vanoti yunivhesiti yavo inokoshesa zvikuru fundo yevanhukadzi nekudaro iri kuvapa mukana wekuti vasimukire muupenyu hwavo kuburikidza nedzidzo.

Prof Sadza vanoti vanhukadzi vanofanira kuwana mikana yakaenzana nevanhurume munyaya dzedzidzo.

Vanoti yunivhesiti yavo iripo pakusimudzira vanhukadzi kuti varonge ramangwana ravo uye havafanirwe kutsvaga zvikonzero zvekuhwanda nazvo vachiti ndizvo zviri kuvatadzisa kuenderera mberi nedzidzo yavo kusvika kuyunivhesiti.

“Tiri kuti madzimai vanokodzerawo kuwana fundo yepamusoro kuti vakwanise kutungamira zvakaita semumakambani makuru emunyika.

“Tinoda kuratidza kuti tinoshandura zvinhu munyika. WUA iripo kubatsira madzimai ose anoda kufunda pasina chinovakonesa.

“Hatidi kunzwa vanoti he-e, ini ndakundikana nekuti ndine mwana kana kuti chii nekuti vane vana pano tine kireshi yavanovasiya vachirerwa ivo vachidzidza.

“Chinangwa chedu kuumba matarenda ari mumadzimai akasiyana kuti vawaniswewo mikana yakasiyana,” vanodaro Prof Sadza. Vanoti zvichitevera kuvhura kwavakaita muzinda wavo mutsva uyu, yunivhesiti yavo yava kuzopawo zvidzidzo zvepamusoro zvePhD nezvimwe zvakasiyana.

“Tichangobva kupihwa mvumo yekupa zvidzidzo zvePhD pamwe nezvimwe zvakasiyana,” vanodaro Prof Sadza.

Related Posts

Hadebe ovimbisa kuita zvinorova mumwaka mutsva weMLS

Blessing Malinganiza MUTAMBI wekumashure wechikwata chenyika chemaWarriors, Teenage Hadebe, anoti ari kutarisira kuratidza unyanzvi hunoendeka mumwaka mutsva weMajor League Soccer (MLS), uwo wakatanga pakupera kwesvondo radarika. Mutambi uyu, uyo ane…

Chiragwi hapana kwaari kuenda: Jere

Tadious Manyepo MURAIRIDZI weCAPS United, Takesure Chiragwi, haasi kuzodzingwa basa kunyangwe akatadza kuhwinha mukombe weligi mwaka uno. Chibvumirano chekondirakiti yake chinoda kuti chikwata ichi chipedze chiri pakati pezvina zvinenge zviri…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×