Tiri kupemberera Zimbabwe: Vaimbi

Abel Ndooka

VAIMBI vanoti vari kupemberera kusvitsa kweZimbabwe makore 40 yawana kuzvitonga zvizere sezvo iri izuva rinovarangaridza magamba akarwira rusununguko rwenyika.

Vaimbi vakataura neKwayedza svondo rino vanoti kuwana kuzvitonga zvizere kwakakosha zvikuru.

Jonathan Siastumuzira

Muimbi weSungura, Jonathan ‘Stumu’ Siastumuzira anoti kuwana kwakaita nyika kuzvitonga zvizere kwakamukoshera sezvo achikwanisa kutsikisa mimhanzi yake akasunguka.

“Ini semuimbi, kuwana kuzvitonga kuzere kwakaita nyika yedu tinotenda zvikuru magamba akarwa kuti tigosununguka. Ndivo vakatizarurira nzira, iye zvino tave kuimba zvatinoda takasununguka uye tichienda kunoridzira kwatinoda,” anodaro Stumu.

Abel Piyo

Mashoko ake anotsinhirwa naAmmi Jamanda, muimbi weAfro-fusion uyo anoti madzimai vari mune zvemimhanzi vave kukwanisa kuita mashoo vakazvimiririra izvo zvaisamboitika Zimbabwe isati yasununguka.

“Iye zvino ndinofara chaizvo isu madzimai tave kukwanisa kuita mashoo eduwo takasunguka uye tichiremekedzwa mune zvemhanzi kwete zvaisiitika kare.

“Kuwana kuzvitonga kuzere kunoreva kuti isu madzimai kodzero dzeduwo dzave kucherechedzwa uye tichiremekedzwa tichipihwa mugove wedu wakakodzera,” anodaro Jamanda.

Anoenderera mberi achiti mhemberero dzegore rino dzakasiyana nemamwe makore sezvo pachange pasina mabiko avanosiita uye vachange vagere mudzimba nekuda kwechirwere checoronavirus icho chauraya vanhu vakawandisa pasi rose.

“Gore rino rakasiyana nemamwe makore nekuti tichange takagara mudzimba nekuda kwecoronavirus. Asi taida chaizvo kunge tichipemberera semamwe makore adarika,” anodaro.

Muimbi wechidiki, Abel Piyo uyo vazhinji vanoziva saPiyo, anoti zuva rekuwana kuzvitonga kuzere rinovakoshera zvikuru.

“Isu sevaimbi vechidiki kuwana kuzvitonga kuzere kureva kuti tinofanirwa kushingirira pazvese zvatinoita uye kurwa kusvika takunda chete. Mhanzi mazuva ano iri kurema nekuti vaimbi vawanda asi hazvireve kuti tonetawo, kwete, ngatirambe tichishanda nesimba kusvika takunda,” anodaro.

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *