Tiri kusunga mahwindi: ZRP

Chief Supt Nyathi
Chief Supt Nyathi

MUTAURIRI wemapurisa munyika, Chief Superitendent Paul Nyathi, vanoti vanhu vanoita zvechihwindi vari kutopara mhosva nekuti pasi pemutemo havazivikanwe nekudaro mapurisa eZimbabwe Republic Police vakatotanga chirongwa chekusunga vose vanoita basa rehunhubu iri.“Pasi pemutemo, hapana chinhu chinonzi hwindi. Vanhu ava vari kutyora mutemo nekudaro isu semapurisa, tinovasunga tovaendesa kumatare edzimhosva uko vanopihwa mitongo yakasiyana yakaita sekubvisiswa faindi kana kugara mujeri.

“Tinokurudzira veruzhinji kuti vamhan’arire mahwindi pamakamba emapurisa ari pedyo navo uye kana vasina kugutsikana nemabatirwo anenge aitwa nyaya yavo, ngavakumbire kuona mukuru wekamba yacho. Tinoti zvakare varidzi vemabhazi nemakombi ngavarege kushanda nemahwindi nekuti izvi hazvisi pamutemo,” vanodaro Chief Supt Nyathi.

Vanoti pari zvino mapurisa ari kusunga mahwindi munzvimbo dzinosanganisira Mbare Msika.
Mahwindi ekuMbare svondo rapera akarwisa mutori wenhau weKwayedza, Kingstone Mapupu, ndokumukuvadza nekumubira mari.

Nguva pfupi yadarika, mapurisa akasunga mahwindi akakonzeresa rufu rwemudzimai ainge akazvitakura kuMbudzi, muHarare, apo vakamudhonzerana achida kukwira bhazi kuenda kuSouth Africa.

Nyaya iyi yatova kumatare edzimhosva.

Related Posts

MaWarriors dhuma-dhuma neSierra Leone

Abel Ndooka CHIKWATA chenyika chenhabvu chemaWarriors chiri kupinda muhondo nhasi apo chiri kusangana necheSierra Leone mumutambo wekurwira kuenda kumakwikwi e2027 Africa Cup of Nations. Mutambo wemaWarriors neLeone Stars uri kutambirwa…

MaLady Chevrons obandana neWest Indies

Abel Ndooka CHIKWATA chenyika checricket chemadzimai, chemaLady Chevrons, chiri kupinda muhondo kutanga svondo rino, apo chichatatsurana necheWest Indies mumitambo mitanhatu. MaLady Chevrons neWest Indies zvichasangana mumitambo inoti mitatu yeOne-Day International…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *