Tiri kuvakisa zvikoro 170 zvitsva: Dokora

Tandayi Motsi
HURUMENDE ichavaka zvikoro 166 zvepuraimari nesekondari munyika yose kuitira kuti zvinge zvichikwanirana nehuwandu hwevana uye basa rekuvaka zvimwe 17 zvacho richatanga mumasvondo maviri ari kutevera.

Mashoko aya akataurwa negurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Lazarus Dokora, mudare reParamende svondo rapera apo vaipindura mubvunzo wemumiriri weChirumhanzi-Zivagwe, Cde Auxillia Mnangagwa.

Cde Mnangagwa vaida kuziva zviri kuitwa nebazi iri mukuvaka zvikoro vachiti kune vamwe vana vari kudzidzira pamhene.

“Mubvunzo wangu wakanangana nebazi redzidzo yepuramairi nesekondari. Tiri kuona vari kuvaka zvikoro munzvimbo dzakagariswa vanhu patsva neHurumende. Ndinoda kuziva kuti vari kuvakawo here kumaruwa nekuti mvura yave pedyo kunaya.

“Muri kutanga kuvaka zvikoro here kunzvimbo dzakadai seChirumanzu-Zibagwe nekuti vana vari kudzidzira panze?”

Dr Dokora vanoti zvikoro zvicharamba zvichivakwa sezvo iri kodzero yemwana wose kuti awane dzidzo.

“Zvikoro zvicharamba zvichivakwa kuitira kuti vana vasarudze kwavanoda kudzidza vakasununguka. Pane zvimwe zvikoro zviri kuvakwa kuburikidza nezvibvumirano zvatakaita nenyika dzakasiyana.

Tichada kukoka nhengo dzedare reParamende kuti dziende kunoona chimwe chezvikoro chiri kuvakwa (pilot project) kuHatcliffe,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti: “Takati zvakare tine mari yechikwereti yatakapihwa yekuvaka zvikoro 17 uye dare reCabinet rakaita chisungo chekuti bazi redu rinofanira kuvaka zvikoro 100.”

Dr Dokora vanoti kune zvimwe zvikoro zviri kuvakwa nevabereki izvo bazi ravo richabatsirawo kuti zvinge zvichipera.

“Isu sebazi, takati kunze kwezvikoro 100 zvatakanzi tivake, tichavaka zvave 166 nekuti tiri kupedzisa kuvaka zvimwe zvakatangiswa nevabereki. Tiri kushanda nekambani yeDBZ sachipangamazano wedu (consultant).

“Gore rino muna Mbudzi tichaona kuti chirongwa ichi chatanga kufambiswa asi zvimwe zvikoro 17 zviri kutanga kuvakwa mumasvondo maviri anotevera,” vanodaro Dr Dokora.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *