Torai kurima sebhizimisi: Zimondi

Trymore Muvhawa

COMMISSIONER-GENERAL of Prisons and Correctional Services Paradzai Zimondi vanoti zvakakosha kuti vechidiki vatore kurima sebhizimisi pamwe nekushandisa michina yezvino-zvino kuitira kuti basa ravo rive nyore zvinoitawo kuti vahohwe pakuru.Vakataura mashoko aya svondo rapera papurazi ravo kuShamva pazuva rekumema zvirima zvakarimwa nevana vavo.

“Ndinoti kwamuri mose maungana pano nhasi ivhu inhaka yevana vedu uye vana ivava ndivo vachine simba nekudaro vanofanira kutora basa rekurima semamwe mabasa ose emunyika muno. Sezvamanzwa kuti ini pano hapana changu vakomana ava ndivo vari kuita basa rose ramaona pano iri,” vanodaro Comm-Gen Zimondi.

Vanoti michina yemazuva ano yakaita semadiridziro inoita kuti basa rive nyore uye murimi haangomirire kushandisa mvura inenge yanaya chete.

“Ndakaona zvakakodzera kuti vana ava sevadyi venhaka iyi mune remangwana vanofanira kurima kuti vaone kukosha kwevhu. Hatingarambe tichitenga chikafu kunze kwenyika,” vanodaro.

Zvakadaro, vanoshora varimi vane katsika kekusashandisa nemazvo zvavanenge vapihwa neHurumende zvakaita sembeu nefetereza vachiti vakadai vanofanira kusungwa.

“Varimi vane tsika yekushandisa pamadiro mbeu nemidziyo zvavanenge vapihwa neHurumende uhwu ndiyo hunonzi huwori saka ndiri kuti ngavasungwe nekuti kana vakaramba vaine katsika aka dambudziko renzara munyika haringaperi,” vanodaro Comm-Gen Zimondi.

Vachitaura pachiitiko chimwe chete ichi, VaIvan Graig vanove sales and marketing director kukambani yeAgriseeds vanoti vanofara zvikuru nebasa riri kuitwa papurazi raComm-Gen Zimondi.

“Zvakakosha kuti vechidiki vaziswe kuti nhaka ndeyavo naizvozvo vanofanira kuishandira zvakasimba. Nhasi ndafara zvikuru nemaitiro andaona pano nekuti Comm-Gen Zimondi vari kuratidza kuti kukoshesa vechidiki kuburikidza nekuvadzidzisa mabasa ekurima.

“Zvakakosha zvakare kuti vechidiki vazive mbeu yekutenga nekuda kwekusanduka kuri kuita mamiriro ekunze pamwe nemanairo emvura,” vanodaro VaCraig.

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×