Tsigirai mwanasikana: Zifa

Abel Ndooka —
SANGANO rinotungamirira nhabvu munyika muno reZimbabwe Football Association rinoti vabereki vanofanirwa kutsigira vanasikana vane zvipo zvemitambo yakadai senhabvu sezvavanoita kuvanakomana.

Mashoko aya akataurwa nemutevedzeri wemutungamiriri weZifa, Omega Sibanda, svondo rino apo maMighty Warriors ari kukwikwidza kumutambo weCosafa Women’s Championship uri kutambirwa kuBulawayo.

“Isu chishuvo chedu ndechekuti vanasikana vawaniswe mikana yakaenzana nevakomana uye ngavapihwe rutsigiro kunhabvu runopihwa vakomana. MaMighty Warriors edu agara anodadisa kazhinji saka ngativatsigire mumitambo yavo,” anodaro Sibanda.

Zvakadai, Sibanda anoti zvakakosha kuti nyika yose itsigire maMighty Warriors kumutambo weCosafa Women’s Championship.

“Sekuziva kwenyu mukombe weCosafa tisu tinawo uye tave nemakore mashanu tinawo saka hatidi kuti ubve muno, tinoda kuti tirambe tinawo,” anodaro.

Kare paimbove nekuchema-chema kuti maMighty Warriors aisachengetwa zvakanaka izvo zvakamboona imwe nguva vachidyiswa matemba vari mukembi yekugadzirira mitambo yavo.

Asi, Sibanda anoti zvinhu zvashanduka uye chikwata ichi chiri kuchengetwa zvakanaka chose.

“Chikwata chemaMighty Warriors chinochengetwa neZifa executive saka zvinoreva izvo kuti chiri kuchengetwa zvakanaka. Zvikwata zvedu zvese zvinopihwa ruremekedzo rwakafanana uye zvichichengetwa zvakafanana,” anodaro.

Mutambo weCosafa Women’s Championship une zvimwe zvikwata zvinoti Zimbabwe, Botswana, Kenya, Lesotho, Madagascar, Malawi, Mauritius, Mozambique, Namibia, South Africa, Swaziland neZambia.

MaMighty Warriors ari muboka rekutanga umo ari kusangana neMagadascar, Malawi neZambia.

MaMighty Warriors ndiwo ane mukombe weCosafa uyo akahwina mugore ra2011 mumutambo wakaitirwa muno apo akakunda South Africa 1-0 mufainari.

Related Posts

Hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa dzotsvagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kutsvaga hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa uyo ane mutumbi wakachengetwa kumochari yeko. Mutumbi uyu ndewe murume akatsikwa nemotokari mumugwagwa weHarare-Masvingo pachinhambwe…

Nhengo dzemuviri wemunhu dzawanikwa mudumbu regarwe mushure memazuva 22

Rutendo Nyeve NHENGO dzemuviri wemurume akaurayiwa negarwe padhamu reMpopoma, kuMatobo nemusi wa1 Chivabvu dzakazoonekwa dziri mudumbu rengwena iyi mushure mekunge yavhiiwa kwapera mavhiki anodarika matatu. Izvi zvakaziviswa neveZimbabwe Parks and…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×