Zviratidzo, zvinokonzera Typhoid n Endai kuchipatara – Parirenyatwa
GURUKOTA rezveutano nekurerwa kwevana, Dr David Parirenyatwa, vanokurudzira veruzhinji kuti vakasike kuenda kuchipatara nekumakiriniki kunovhekwa kana vachinge vaona zviratidzo zvezvirwere zvemanyoka zvakaita setyphoid.
Izvi zvinotevera kunyuka kwechirwere chetyphoid muguta reHarare.
Dr Parirenyatwa vanoti zvirwere zvemanyoka mumaguta akaita seHarare zviri kukonzerwa nekusatakurwa kwemarara, kutushuka kwemapombi anotakura tsvina, kushomeka kwemvura yekunwa uye kuwanda kwevanhu vari kufamba nzendo vachipfuura nemumusika weMbare zvinova zvinoita kuti nzvimbo iyi ive pamberi pahuwandu hwezvirwere zvetyphoid.
“Kusatakurwa kwemarara uye kuwanda kwevatengesi vepanze kuri kukonzera kuti zvirwere zvemanyoka zvirambe zvichiwanda. Tinokurudzira vanhu kuti vachengetedze utsanana munzvimbo dzavanogara, vanwe mvura yakachena kana kuifashaidza uye kuiisa mishonga inouraya utachiona.
“Mawoko anofanira kugezwa vanhu vasati vabata chikafu. Vanenge vaita fungidziro yekuti vane chirwere ichi ngavachimbidze kuenda kuzvipatara kunovhenekwa,” vanodaro Dr Parirenyatwa.
Zvakadai, mukuru anoona nezveutano kukanzuru yeguta reHarare Dr Prosper Chonzi, vanoti vari kuedza nepose pavanogona kudzivirira kupararira kwetyphoid.
“Pari zvino tine nyaya dziri kufungidzirwa kuti dzinogona kunge dziri dzechirwere chetyphoid dzinosvika 250 uye huwandu uhwu hwakakonzerwa nekurudziro yataipa kuvanhu kuti vange vachienda kuchipatara kana vachinge vangoita fungidziro yechirwere ichi. Asi pavanhu ava, pari zvino 22 chete ndivo vakaonekwa kuti vane chirwere chetyphoid munzvimbo yeMbare kubvira muna 4th Street kusvika kuna 9th Street.
“Huwandu hwevanhu vakarasikirwa neupenyu nekuda kwechirwere ichi huchiri pavaviri uye vachakapihwa mibhedha paBeatrice Road Infectious Hospital varwere gumi nevatatu. Saka huwandu uhwu huri kuderera nekuti vanhu vari kukurumidza kuuya kuzorapwa,” vanodaro Dr Chonzi.
Zviratidzo zvetyphoid:
Murwere anochaya manyoka akaita mvura akacheneruka.
Manyoka aya anenge achiaita kanodarika katatu pazuva.
Murwere anogona kurasikirwa neupenyu kana akaramba achirasikirwa nemvura yemumuviri kuburikidza nemanyoka uye kurutsa.
Murwere anopera simba uye manyoka aya anenge achinhuhwa zvakanyanya.
Zvinokonzera typhoid:
Utachiona kana kuti ma‘‘bacteria” anobva patsvina yevanhu achienda kuchikafu kuburikidza nekusageza mawoko mushure mekushanyira zvimbuzi kana kuchinja vana manapukeni.
Nhunzi dzinotakura utachiona uhwu kubva kutsvina yevanhu muzvimbuzi, mumasango kana kumarara dzichiendesa kuchikafu.
Nzwara dzinogona kutakura tsvina vanhu vachizopedzisira vaidya apo vanoshandisa mawoko pakudya.
Kunwa mvura inobva panzvimbo dzisina kuchengetedzeka dzakadai sematsime nemunzizi.
Kubata marutsi kana tsvina yemurwere ane typhoid.
Vana vane kwashi vari nyore kubatwa nechirwere ichi.
Kudzivirira typhoid:
Ipai vana mukaka wemuzamu chete kusvika vasvitsa mwedzi mitanhatu yekuberekwa mozovapa kumwe kudya kana vadarika mwedzi iyi.
Onai kuti vana vane kwashi vawaniswa kudya kunovaka muviri.
Gezai mawoko enyu mushure mekubata murwere kana kushandisa chimbuzi uye musati mabata kudya.
Fashaidzai mvura yekunwa kana kuisa mapiritsi anochenesa mvura uye chikafu ngachibikwe chichiibva chodyiwa chichiri kupisa.
Rasirai marara enyu mumabhini kana kuapisa kuitira kuti nharaunda dzenyu dzigare dzakachena.
Kana paita fungidziro yechirwere ichi, ipai murwere mvura yakasangana nemunyu neshuga, inogadzirwa seizvi: zvipunu zvitanhatu zveshuga, chidimbu chemunyu ne750ml dzemvura yakafashaidzwa izvo munosanganisa mopa murwere apo anenge akamirira kuenda kuchipatara.




