Uchanhonga nezvakarasirirwa

VAZUKURU nhasi handisi kupindura mubvunzo, asi ndinotaura nenyaya yekungonhonga zvinhu zvakaita semari, mbatya, midziyo kana chipi zvacho chinhu chaunenge wangoona. Kazhinji vanhu tinopinda mumatambudziko nenyaya yekunhonga zvinhu zvakaita semari yeunofunga kuti yadonhedzwa. Sekuti wonhonga mari, ingave mudziyo apa unenge wanhonga zvakarasirwa sezvikwambo, ngozi, chitsinha, zvitsinga, mashavi akaipa sehuroyi, mashavi echipfambi kana hurembe.

Izvi zvinokonzeresa matambudziko kumunhu anhonga nemhuri yake, kana chiri chipfambi chinosvika nekumhuri ichazvarwa, huroyi huchipinda mumhuri, humbava nezvimwe zvichingodaro. Zvose izvi zvinokanganisa mhuri kubva pauri zvichienda zvakadaro.

Chimwezve vazukukuru,ndechekuti zvipfuyo zvinorasi rirwa zvakare. Kana zvirwere zvinorasirirwa muzvinhu zvamunozonhonga. Kunhongeredza kunounze matambudziko akasiyana zvinosanganira hurombe, chipfambi, kuroya, ngozi mumusha nekumhuri yose.

Mumwe munhu anotorasirira chinhu kuitira kuti iwe ugonhonga, wobva watakurana nazvo. Vaya vanorasirira vanozviita nemidziyo yakakosha kuitire kuti zviite nyore kuti uya anongonhonga zvinhu atorwe moyo obva anhonga, otorana nazvo.

Mweya uya wanhongwa kana wave mumusha menyu, hauchada kudzingwa nekuti unenge wava kuti ndimi makanditora kuuya mumusha wenyu. Uye zvinokunetsai kuti muzive kuti mweya wacho ndewekupi. Kana masangana nematambudziko akadai, ndokunge mazvibata kuti zvakabva muzvinhu zvamakanhonga, kasikai kubatsirwa nevanoziva uye vane magwaro ekushandira zvechivanhu.

Saka musangonhonga zvamunenge maona, munotorana nemweya yakaipa.

Bvunza Kwayedza panhare dzinoti 0714 200 007 kana 0775 421 949 kana 0715 942 183.

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×