Sadza ‘rinofamba’ nederere

DERERE rechipudzi “rinofamba” zvikuru nesadza zvekuti munhu anozokaruka apedza mukonde nenguva isipi, anakirwa. VaGibson Mlambo vekuSunningdle 2, muHarare, vanodonongodza mabikirwo akanaka ederere iri.

ZVINODIWA:
Derere rechipudzi, chikari kana poto yakachena, munyu, soda, mafuta nematomatisi. Chekutanga, tora derere woricheka kuita zvidimbu zvakaringana. Tora chikari kana poto woisa derere, wogadza pamoto. Isa mvura ine soda yakaringana. Siya zvikwate asi usakwidibire nekuti derere rinotutumira. Kanda munyu wakafanira woramba uchikurunga derere kusvika raibva.

WOZODINI?
Pisa mafuta mupani wokanda hanyanisi uchizotevera nematomatisi. Kana supu iyi ichinge yaibva, chisanganisa nederere modya nesadza jena kana rezviyo.  . Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachinyorwa chino panhamba dzinoti +263 773 394 753.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *