‘Unoendepi? Dzokera kumba’

Tandayi Motsi
MAPURISA nemusi weChipiri chino vakatora matanho ekusimbisisa chirongwa chekuti veruzhinji vasangofamba-famba zvisina tsarukano senzira yekurwisa kupararira kweCovid-19 kuburikidza nekudzosera kudzimba veruzhinji avo vasina magwaro akakwana ekufambisa vaive mumabhazi eZupco pamwe nevedzimotokari vaiedza kupinda muguta reHarare.

Zimbabwe kusvika pari zvino yave nevanhu 203 vawanikwa vaine hutachiona hwecoronavirus hukonzera Covid-19 mushure mekunge vavhenekwa.

Ongororo yakaitwa neKwayedza inoratidza kuti muHarare hamusi kupindika nyore sezvo mapurisa ari kumisa vedzimota nemabhazi mumigwagwa yose inopinda muguta guru iri uye vachidzosera kudzimba avo vanowanikwa vasina magwaro akakwana ekuti vafambise sezvinotarisirwa pasi pemutemo.

Zvichakadai, munyori mukuru kubazi rezvekufambiswa kwemashoko nenyaya dzenhepfenyuro, VaNick Mangwana, vanoti: “Hurumende haisati yataura nezveshanduko maringe nemutemo wekuti vanhu vasafambe zvisina tsarukano (Lockdown Regulations). Tichiri padanho reLevel 2 lockdown uye vakatenderwa kuti vashande munyaya dzeupfumi vanofanirwa kuenderera mberi nekushanda.”

Vanoti mapurisa ari kungosimbisisa bedzi kuti mitemo yakatarwa pasi peLevel 2 lockdown itevedzerwe nemazvo.

Related Posts

MaWarriors dhuma-dhuma neSierra Leone

Abel Ndooka CHIKWATA chenyika chenhabvu chemaWarriors chiri kupinda muhondo nhasi apo chiri kusangana necheSierra Leone mumutambo wekurwira kuenda kumakwikwi e2027 Africa Cup of Nations. Mutambo wemaWarriors neLeone Stars uri kutambirwa…

MaLady Chevrons obandana neWest Indies

Abel Ndooka CHIKWATA chenyika checricket chemadzimai, chemaLady Chevrons, chiri kupinda muhondo kutanga svondo rino, apo chichatatsurana necheWest Indies mumitambo mitanhatu. MaLady Chevrons neWest Indies zvichasangana mumitambo inoti mitatu yeOne-Day International…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *