Upenyu mberi, mitambo kumashure — Musekiwa

Kingstone Mapupu
CHRIS “Romario” Musekiwa — mumwe wevatsigiri vakuru vemutambo wenhabvu muno — ari kukurudzira vatsigiri vemitambo yose zvayo kuti vatevedzere zvose zvinodiwa pakudzivirira nekurwisa chirwere cheCovid-19 achiti pachazotanga mitambo, vanotarisira kuzoonana vose pasina varasikirwa neupenyu.

Musekiwa (45) anonyanya kuzivikanwa nekutsigira chikwata cheDynamos nechenyika cheZimbabwe Warriors.

Anoti sevatsigiri venhabvu, vari kusimbisana panhare nepadandemutande pakutevedzera zvinodiwa kudzivirira Covid-19.

Musekiwa — uyo anova munyori nemurongi musangano reZimbabwe National Soccer Supporters Association — anoti kunyangwe vatsigiri vemitambo vagere kudzimba, vari kutevedza zviri kukurudzirwa kuti veruzhinji vaite nemutungamiri wenyika President Mnangagwa neHurumende senzira yekuchengetedza upenyu. Musekiwa, uyo anogara uChitungwiza, anotizve vari kupota vachikurukura sevatsigiri venhabvu apo vanosimbisana pamusoro petarisiro yekuti mitambo ichadzoka kana chirwere ichi chadzikama.

“Sevatsigiri venhabvu nemimwe mitambo, tinoti ngatitsungirirei tichitevedzera zvose zvatinonzi tiite kuti tikunde Covid-19.  Vanhu ngatigarei kudzimba tichigeza maoko edu nesipo nemvura yakachena uye inochururuka. Kana takwanisa, tozorawo maoko edu iwaya masanitiser.

“Isu sevatsigiri, tasuwa mutambo wedu wenhabvu asi tinoti chisingapere chinoshura, chirwere ichi chichadarika. Chakakosha pari zvino upenyu kuti tigotanga mitambo tichikuza vatambi vedu tose tiri vatano.

“Panhabvu ndipo pane upenyu hwedu — tinogara nayo mundangariro dzedu nemudzimba, saka ngatinamatei kuti chirwere ichi chipere, mitambo yemuno neyekunze igotanga.

“Asi zvekuvhakachirana bodo, vanhu garai kudzimba dzenyu tozoonana hondo iyi yapera,” anodaro Romario.

Anoti chirwere cheCovid-19 – icho chinokonzerwa nehutachiona hunodaidzwa kuti coronavirus – chiri chatekeshera pasi rose izvo anoyambira vatsigiri vemitambo yakasiyana kuti vashingirire kusvika zvinhu zvaita nani nechinangwa chekuchengetedza upenyu hwevanhu.

“Zvinorwadza kuguma torwarirwa kana kufirwa nevatsigiri vangava venhabvu kana mimwe mitambo nekuda kweCovid-19. Saka ngatigare mudzimba.

“Izvozvi vasikana vedu venetball vanoda kuzoenda kuEurope, saka nekudaro ngatitevedzei zvinodiwa tigokwanisa kuzotsigira chikwata chedu kana mitambo iyi                                                          yoitwa.”

Romario anoti anoshamiswa zvikuru nevamwe vanhu vari kuita mitambo yekuti vawane mari mumarukisheni achiti uku kuzvipinza mumatambudziko sezvo vanhu ivava vachikwanisa kuzodzokera kudzimba dzavo vava nechirwere.

“Zvose zviri kunzi titevedzere ndizvo zvinokurudzirwa nesangano reWorld Health Organisation (WHO), saka ngatitsungirirei. Tinoziva vamwe vari kutorota nhabvu nemimwe mitambo asi vari mudzimba dzavo,” anodaro Romario.

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *