Utano hwemazino

Muchaneta Chimuka —
UTANO hwemazino hwakakosha zvikuru nekudaro anofanira kugara akachengetedzwa pamwe nekuona kuti aongororwa nguva nenguva nanachiremba vakadzidzira basa.

Sangano rinorwira kodzero dzevanhukadzi, reWomen’s Action Group (WAG) – mubhuku rarakadhindisa rinonzi “Utano Hwako, Upenyu Hwako” – rinoti zvakakosha kuti vanhu vakweshe mazino avo mushure mekudya kwega-kwega senzira yekudzivirira kuwora kwawo.

Kuti mazino arambe akachena:

Itai kuti mazino enyu nekumatadza zvigare zvakachena nguva dzose.

Kudya zvinhu zvinotapira senzimbe, zvinwiwa zvine shuga, zviwitsi, svutugadzike nezvimwe kunoita kuti mazino akasike kuwora.

Gezai mazino nebhurashu rine mushonga wemazino mushure mekudya zvinotapira.

Kana musina bhurashu, munogona kushandisa chimuti kana tauro ramunoshandisa imi moga kuitira nyaya dzekuchengetedza hutsanana.

Kana musina mushonga wekukweshesa mazino, munogona kushandisa munyu kana soda.

Dzidzisa vana kuti vakweshe mazino apo vanenge vachiyaruka.

Kana mazino achirwadza:

Gezai buri riri pazino muchibvisa chikafu chose chinenge chapaikira mozosukurudza mukanwa nemvura ine munyu.

Torai mishonga inonyaradza marwadzo separacetamol.

Kana zino riri kunyanya kurwadza uye rakazvimba, kasikai kunoona chiremba.

Kudzivirira kurwadza kwemazino:

Kudya kunovaka muviri semakerotsi, mazai, majarini, hove, muriwo wemashizha nemukaka kunobatsira kusimbisa mazino nekuti kune Vitamin C, D neCalcium.

Hurumende inokurudzira kuti vana vose vari pakati pemwedzi mitanhatu nemakore mashanu ekuberekwa vange vachipihwa mishonga yeVitamin D inobatsira kudzivirira kuwora kwemazino.

Pamwedzi mitanhatu yega-yega, vanhu vanokurudzirwa kuti vanoongororwa nekugezwa mazino nanachiremba vakadzidzira basa iri.

Pamwe pacho maburi anenge ari pamazino anogona kuvharwa (filling) kana kubviswa pachiiswa mamwe matsva zvichienderana nehudzamu hwekuwora kwawo.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *