‘Vabereki simudzirai matarenda evana’

Abel Ndooka

VABEREKI vokurudzirwa kuti vape vana vavo mikana yekuita mitambo yakasiyana-siyana nechinangwa chekusimudzira matarenda avo sezvo vamwe vanokwanisa kuzorarama kuburikidza nawo mune ramangwana.

Kurudziro iyi yakabva kuna chamangwiza weFriendly Academy, Sydney Matanhanike, svondo radarika pazuva remabiko echikoro ichi ekupiwa kwemibairo yekupera kwegore muHarare.

Matanhike anoti zvakakosha kuti vabereki vakurudzire vana kuita mitambo yakadai senhabvu, rugby, basketball nevolleyball sezvo  zvichibatsira kuvaka ramangwana ravo.

“Mitambo yakakosha muupenyu hwevana, naizvozvo tiri kukurudzira vabereki kuti endesai vana venyu vanoita mitambo yakasiyana-siyana nokuti zvichazovabatsira mune ramangwana.

“Mitambo inobatsira kuumba upenyu hwevana nokuti kune vamwe vana vasina zvipo zvekugona muchikoro asi vachigona zvemitambo zvokuti ndiyo inotozogona kuvayambutsa muupenyu hwavo mune ramangwana.

“Izvozvi zvikoro zvazvavharwa kudai, vana vanofanirwa kuita mitambo, zvichivabvisa mune zvekudhakwa. Izvi zvakatikoshera chaizvo nokuti vana tikavasiya vasina zvokuita ndipo pavanopedzisira vave kufuririka, saka mitambo yakakosha uye inoshanda,” anodaro Matanhike.

Zvakadaro, Matanhike anoti mugore ra2025 zvinhu zvange zvisiri kunyatsofamba zvakanaka kuchikwata chavo nokuda kwekushaya vakotsveri pamwe chete nerutsigiro rwakasimba kubva kuvabereki vevana vavari kusimudzira matarenda enhabvu.

Anoti kuti nhabvu yemaacademy inge ichifamba kuenda mberi, vabereki vanofanirwa kupindira, vachitsigirana nechikwata chavo.

“Gore rino zvinhu zvedu zvange zvisiri kunyatsofamba zvakanaka asi tinovimbisa kuti gore rinotevera tichaita zvikuru, tofamba kuenda kune dzimwe nyika zvatinosiita mamwe makore, izvo zvinobatsira kuti vatambi vedu vaonekwe nezvikwata zvokunze.

“Nhabvu yeacademy inoda kuti vabereki vange vachipindira, vachibatsirana nechikwata, vachiona kusimukira kunenge kuchiita vana vavo. Saka tinochema kuti mugore rinotevera vabereki ngavauye vapindire, tishande pamwe chete kusimudzira vana vedu,” anodaro Matanhike.

 

Related Posts

Hadebe ovimbisa kuita zvinorova mumwaka mutsva weMLS

Blessing Malinganiza MUTAMBI wekumashure wechikwata chenyika chemaWarriors, Teenage Hadebe, anoti ari kutarisira kuratidza unyanzvi hunoendeka mumwaka mutsva weMajor League Soccer (MLS), uwo wakatanga pakupera kwesvondo radarika. Mutambi uyu, uyo ane…

Chiragwi hapana kwaari kuenda: Jere

Tadious Manyepo MURAIRIDZI weCAPS United, Takesure Chiragwi, haasi kuzodzingwa basa kunyangwe akatadza kuhwinha mukombe weligi mwaka uno. Chibvumirano chekondirakiti yake chinoda kuti chikwata ichi chipedze chiri pakati pezvina zvinenge zviri…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×