‘Vabereki siyanai nekunyepa’

VaValerio Mukova
VaValerio Mukova

Nyasha Mutena
MUTEVEDZERI wemukuru wedzidzo mudunhu reHarare, VaValerio Mukova, vari kutsiura vabereki vane tsika yekunyepa kero dzekwavanogara pamwe nekuita chikiribidi apo vanenge vachida kuti vana vavo vawane nzvimbo kuzvikoro zvepamusoro izvo zvaimbonzi zvemaGroup A kare kuti vasiyane nehunhu hwakadai.

Vachitaura neKwayedza, VaMukova vanoti vabereki vakawanda vari kuedza nepose pavanogona kuti vana vavo vadzidze kuzvikoro zvepamusoro kuburikidza nekushandisa nzira dzechitsotsi.

Vanoti kuita kwakadai kuomesera vana avo vanopedzisira vave kudzidza kuzvikoro zviri kure nekwavanogara izvo zvinozokanganisa dzidzo yavo.
“Mwana anenge ava kufanirwa kukurumidza kumuka uye kugara achidzidziswa kunyepa nekuti anenge asisafanirwe kutaura kwaanogara chaiko zvinova zvisina hungwaru,” vanodaro VaMukova.

Vanoti zvakare pachinzvimbo chekuti vana vadzidze vari 45 chete mukirasi vanopedzisira vave kumanikidzana kana kusvika 65 izvo zvinozopa dambudziko kumudzidzisi kuti akwanise kunge achivafundisa vose sezvinotarisirwa.

“Dai vabereki vatarisana nekusimudzira zvikoro zviri kunzvimbo dzavari nekuti zvavari kuchiva vanogona kuzvigadzirisa vega kana vakaita mushandirapamwe,” vakadaro VaMukova.

Vanoti vamwe vevana vari kudzidza kuzvikoro zviri kure nekwavanogara ava dzinenge dziri ndumurwa dzeGrade 1 avo vamwe vacho vanoenda voga kana kupihwa kuvatyairi vemakombi izvo zvine njodzi kuupenyu hwavo.

“Vamwe vana vari kutakurwa kuendeswa kuchikoro nevatyairi vasina mapepa akakwana nenyaya yekuti mubereki anenge achingovavarira kuti chero mwana aenda kuchikoro, havazvitsvage izvo zvinogona kuvapinza mutsaona,” vakadaro VaMukova.

Related Posts

Mahwekwe nebindu rembanje mapurisa achifeya nyaya yokuba

MAPURISA ekuChipinge akasunga mumwe murume svondo rapera mushure mekuona bindu raive rakadyarwa mbanje apo vaiferefeta nyaya yekubiwa kwepombi dzemadiridziro pane rimwe purazi reko, iyo yakanga isina chokuita nembanje dzakazowanikwa idzi.…

Motokari ine chitunha yabatira moto

Arron Nyamayaro VAMWE vanhu vaive parwendo rwekunoviga hama yavo kumusha vakamhanyidzana kubvisa bhokisi raive nechitunha mumotokari inotakura vafi zvichitevera kubatira kwayakaita moto kuArdbennie, muHarare nemusi weMuvhuro svondo rino. Vakaona izvi…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×