Vafa: Zim inhamba 3. . .S.A iri pamusoro

Tandayi Motsi

ZIMBABWE mudunhu reSADC iri pachinzvimbo chechitatu pahuwandu hwevanhu vari kufa nechirwere cheCovid-19 apo kusvika nemusi weSvondo varwere 380 vakange vafa nedenda iri munyika yose.

Kusvika musi uyu – uyo wakafa vanhu vakawandisa (774) pazuva rimwe chete kubva patanga Covid19 muno – vanhu 15 265 vange vawanikwa vaine chirwere ichi mushure mekuvhenekwa munyika muno apo 11 574 vakatopona.

Mashoko anobva kubazi rezveutano nekurerwa kwevana anoti South Africa ndiyo iri pamusoro nevanhu 27 071 vafa nechirwere ichi kubva pavarwere 1 088 889.

Zambia iri pechipiri nevanhu 20 997 vawanikwa vaine Covid-19 apo vamwe 384 vakafa.

Zambia yakangosiya Zimbabwe nevanhu vana bedzi pahuwandu hwevafa.

Namibia ine vanhu 24 545 vane denda iri ne193 vafa kozoti Eswatini (iyo yaimbonzi Swaziland) ine vanhu 9 482 vawanikwa vaine denda iri ne167 vafa.

Mozambique ine vanhu 18 794 vabatwa nechirwere ichi asi vafa ikoko i162.

Botswana ndiyo ine vanhu vashoma vafa neCovid-19 kusvika pari zvino vanove 40 kubva pavarwere 14 805.

Nyika dzine chitsama, kusanganisira South Africa, dziri kutora matanho akasimba ekurwisa denda iri.

Hurumende svondo rino yakasimbaradza matanho ekuedza kurwisa kupararira kweCovid-19 zvichitevera kuwanda kuri kuita vanhu vari kuwanikwa vaine chirwere ichi.

Matanho aya anosanganisira kuti veruzhinji vambogare kudzimba kwemazuva 30 ari kutevera (lockdown).

Vanhu vanokurudzirwa zvakare kuti vapfeke mamasiki nemazvo kana vachienda pane ruzhinji.

Mutevedzeri wemutungamiri wenyika vari zvakare gurukota rezveutano nekurerwa kwevana Vice President Constantino Chiwenga vanokurudzira veruzhinji kuti vakoshese kutevedzera matanho akatarwa nechinangwa chekurwisa kupararira kweCovid-19.

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×