Vahosi vobatira nyachide banga

Lizzy Mushoriwa
MUDZIMAI nyachide pabarika akazopotera kudare redzimhosva achiti ashaiswa rugare navahosi avo vaanoti vanoenda kumba kwake vakabata mapanga vachiti vanoda kumuuraya.

Tsungai Manyawa akadhonzera maiguru vake Magret Arufaneti kuHarare Civil Court achivapomera mhosva yekumushungurudza. “Amai ava vandishaisa mufaro, anondituka zvinyadzi uye kundishaudha pazere vanhu zvekuti ndinotonyara. Ane tsika yekuuya kumba nguva dzaenda uye kusvikoita ruzha nekugwejenura magonhi achikanda matombo anotema imba yangu,” anodaro Manyawa.

Anoti Arufaneti anogara achimutyisidzira kuti achamuuraya.

“Ndava kutotyira upenyu hwangu nekuti amai ava vanogara vachindityisidzira kuti vachandiuraya.

‘‘Mumwe musi akambouya nemapanga maviri achiti anoda kundiuraya saka ndazouya kuno kuti ndibatsirwe,” anodaro Manyawa.

Arufaneti anopikisana nemashoko aManyawa achiti: “Anonyepa mukadzi uyu. Handina kumbobvira ndaenda kumba kwake uye kugwejenura magonhi. Mukadzi uyu ari kugara nemurume wangu uye mhirizhonga yese yakatanga apo ndakaenda kudare remendenenzi kuti murume achengete vana, kumba kwake handiendeko ini,” anodaro.

Manyawa anobva amugamha achiti ari kunyepa.

“Anonyepa, ndakatomboenda kumapurisa nekuda kwenyaya dzake nekuti anoti ndiri pfambi yemurume wake, ngaasiyane neni chete,” anodaro.

Mutongi Nyasha Marufu akapa Manyawa gwaro redziviriro.

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×