Vakadzi vorwira murume kuchechi yekwaMwazha

Lizzy Mushoriwa
MADZIMAI vahosi nanyachide pabarika vakamutsa zvimbokoma pachechi yavanopinda yeAfrican Apostolic Church yekwaMwazha vachirwira murume zvikaita kuti nyaya iyi ipedzisire yasvika kudare redzimhosva.

Primrose Chinyoka akamhan’arira mukadzin’ina wake, Nyaradzai Mhike, kuHarare Civil Court achiti ari kumushungurudza.

“Changamire, ndauyawo naamai ava, ishamwarikadzi yemurume wangu uye vandishaisa mufaro. Anondituka, kundirova uye akatanga kudanana nemurume wangu muna 2014. Pandakazviziva takaenda kuchechi tikayanananiswa vakakumbira ruregerero vese nemurume,” anodaro Chinyoka.

Anoenderera mberi achiti: “Vakaramba vachidanana ndikadzokera zvakare kuchechi uko akazondirova pamberi pechechi. Tose tinopinda African Apostolic Church yekwaMwazha, vakuru vechechi ndipo pavakazoti endai kumapurisa uko ndakanomhan’ara asi haana kurega kundituka. Anoti handigeze saka ndichisiiwa nemurume.”

Mhike anoramba zvose zvaari kupomerwa achiti haana kurova Chinyoka asi kuti vakarwa.

“Maiguru vanonyepa, handina kuvarova asi kuti takarwa pachechi mushure mekunge vandituka vachindinyadzisa. Ini ndakaroorwa nemurume wavo uye ivo ndivo vanotanga mhirizhonga vachinyepa kuchechi pamusoro pangu kuti ndirambwe nemurume,” anodaro.

Anoti vakarwa kanokwana kaviri pachechi nekuda kweshanje vachirwira murume.

“Hakasi kamwe chete katarwa, katori kaviri uye pachechi futi nekuti kechipiri vainge vanyepa kuti ndinovatuka uye ndinoda kuti varambwe nemurume. Ndinoda kuti vasapote vachindinyadzisa pakazara vanhu,” anodaro Mhike.

Mutongi Larzin Ncube akapa Chinyoka gwaro redziviriro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *