Vakaponda muridzi wemba

Kingstone Mapupu
MAPURISA ekuDzivaresekwa, muHarare, vari kuferefeta nyaya yekupondwa kwemumwe mudzimai — uyo akafa nekubaiwa nebanga husiku – mwanakomana wake ndokukuvadzwa zvikuru apo vaiedza kudzivisa makororo aivabira mumba mavo.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoti bongozozo iri rakaitika mambakwedza emusi weChipiri chadarika kunzvimbo inonzi Bakosi iri kuDzivaresekwa Extension.

Vanoti mudzimai uyu akamuka apo akanzwa mbavha dzaiba mumba make apo akazobaiwa nebanga pamwe chete nemwanakomana wake.

“Tine nyaya yemudzimai aiva nemakore 58 okuberekwa uyo akabaiwa nematsotsi achibva azonofira pamusiwo wekiriniki kuDzivaresekwa. Mwana wake mukomana wemakore 26 okubereka akabaiwawo nemakororo aya uye ari kurapwa muchipatara cheParirenyatwa Group of Hospitals,” vanodaro.

Asst Comm Nyathi vanoti matsotsi aya anonzi akasvika pamba pemhuri iyi ndokuba apo akazotanga kutakura midziyo yavaiva vaba iyi nebhara yaisanganisira materevhizheni, mapoto nezvimwe.

“Mai ava nemwana wavo vakazotanga kufamba vachitsvaga kuti makororo akanga avabira vaiva vaenda nekupi apo vakasangana nembavha idzi. Vakaedza kuvarwisa vachida kutora zvinhu zvavo zvikazoita kuti vaviri ava vabaiwe.”

Asst Comm Nyathi vanoti nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa ndokutanga kuferefetwa.

“Semapurisa, tiri kutsvaga kuti tisunge vanhu vakapara mhosva iyi uye tinokumbira kune voruzhinji kuti vatibatsire. Tinokurudzirawo mapurisa edu kuti vapote vachitenderera munzvimbo dzose munguva dzehusiku,” vanodaro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *