Vakwegura vakabatsirwa neupfu

Muchaneta Chimuka

SANGANO rinorwira kodzero dzevakwegura reShelter and Homage Trust nguva pfupi yadarika rakapa rubatsiro rweupfu kuvanhu vakwegura nevakaremara kuti vawane pekutangira, zvikuru sei munguva ino apo raramo yevazhinji yakavhiringwa nekuda kwechirwere cheCovid-19.

Vachitaura pazuva rekutambidzwa kwerubatsiro urwu muguta reHarare, Mai Bridget Mandizha vanova muvambi wesangano iri vanoti vakaremara nevakwegura vari panyatwa yekubatwa nechirwere cheCovid-19 zvichitevera nyaya yemamiriro eutano hwavo.

“Vanhu vakaremara nevakwegura miviri yavo haina kunyatsosimba kuti irwise zvimwe zvirwere zvinonyuka izvo zvinoita kuti vave panyatwa yekubatira Covid-19 kana zvichienzaniswa nemamwe mazera achakasimba. Takaona zvakakosha kuti tivabatsire neupfu kuti vawane chinobata ura munguva ino apo nyika iri kurwisana neCovid-19,” vanodaro.

Vanhu vakwegura, vanodaro Mai Mandizha, vakakosha zvikuru nekuti ndivo vane nhorowondo yehupenyu nekudaro vanofanira kuremekedzwa.

“Vakwegura kazhinji vanotorwa sevasina maturo apo vanhu vanokanganwa kuti vakakosha zvikuru muupenyu. Kazhinji, tinoona vachinoiswa mumisha inochengetwa vakwegura vachibva vangoita sevarasirwako pasina anonovaona. Ndiko kusaka tichikurudzira kuti vachengetwe mudzimba. Dzimba zhinji dziri kutungamirirwa nevakwegura uye ndivo vari kuchengeta nherera saka vane mitoro yavari kutakura zvisinei nekuti vazhinji vavo havachashandi nekudaro rutsigiro rwakadai rwunokosha,” vanodaro Mai Mandizha.

Vanoti sangano ravo rine zvirongwa zvakawanda zvavanotarisira kuita nevakwegura, kusanganisira kuvafundisa maringe nenyaya dzekuzvichengetedza mukurwisa chirwere cheCovid-19.

“Tine tarisiro yekuti kana tikawana mari tivabatsirewo nemasanitizer, mamasiki nesipo nekuti zvinhu zvinotonetsa kuti vazviwane,” vanodaro.

Mai Tendai Gowa (54) vekuMufakose, muguta reHarare  vanoti vanotenda zvikuru rubatsiro rweupfu nekuti vakanga vasina pekutangira.

“Ini ndine mwana akaremara saka ndinofara zvikuru nekuti ndawaniswa upfu, kumba kwanga kusina zvachose. Ndinongochema kuti kudai paitawo vatsigiri vakawanda nekuti tine matambudziko gumi nefararira uye hatina kana dzimwe nzira dzinotipa mari,” vanodaro.

Ongororo yakaitwa nesangano rinoona nezveutano pasi rose reWorld Health Organisation (WHO) nguva pfupi yadarika yakabudisa pachena kuti vakwegura vari panyatwa yekutapurirwa chirwere cheCovid-19 sezvo  vasisina masoja akawanda emumuviri anobatsira mukurwiswa kwezvirwere uye vamwe vanenge vaine zvirwere zvakadai seBp, shuga negomarara zvinoita kuti vave nyore kubatwa nezvimwe zvirwere.

 

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×